Zvinhu zvinotouya pabvunzo

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZORORO zvorodai kunopera, zvinoreva kuti nyatwa yedu iya yaswedera. Tichitanga gore zvaiita sekuti nguva iripo zvekuti vamwe taitogona kumboswaradza tichida kuvarairwa, asi iye zvino nguva dzatisiya.

Mazuva atopindana zvekuti kune vaya vasina kuita gadziriro yebvunzo yakakwana, vachabatana nacho nekuti tichingovhura kotoro iyoyi yetatu, tinenge tasarirwa nemavhiki matatu ekuti tinyore bvunzo.

Nguva ino yatave haichisiri yekunge munhu asati apedza zviri mubumbiro redzidzo asi kuti anenge asarirwa nekungoita dzokorodzo yake.

Dzokorodzo iyi inofanirwa kuitwa nemuronga wayo kuitira kuti unge wabata pose panodiwa panguva iyo bvunzo rinodeedzera kuti ndasvika. Tine zvakawanda chose zvatinofanira kunge tichiziva asi zvakakosha kuti munhu azive pacho panomuremera oti takarasima napo dzamara ogona uye onzwisisa.

Tine zvinhu zvitatu zvakatikoshera izvo zvinotouya mubvunzo redu. Chekutanga irondedzero, kuchiuya nzwisiso kozoti mutauro wedu.

Parondedzero apa ngationesanei chokwadi kuti haupiwi pfungwa dzekushandisa kuti usazobuda mugwara sezvinoitwa kuchirungu. Unofanirwa kubuda nedzako pfungwa nekudaro mukana wekubuda mugwara wakati kurei. Zvinoreva kuti unotofanirwa kunge wava nemisoro yenyaya yawabata maitirwo ayo muzvidzidzo zvako zvekuti kana yakauya unotosekerera.

Tine mhando dzerondedzero dzinokwana nhanhatu asi tine dzatinoziva kuti hadziregedzi kuuya pabvunzo. Rondedzero dzinotaura pamusoro pazvakaitika hadziwanzotadza kuuya. Ndipo paya panonzi mwana anyore rondedzero pamisoro inosanganisira, Zuva randisingakanganwi, Mabiko andakakokwa kana kuti Rwendo rwangu nebhazi.

Kune mwana akaita gadziriro yakanyatsoti tsvikiti, anochikokorodza pfungwa dziya dzemafaro dzaakambodzidzswa ovaka rerondedzero.

Kunoita rondedzero dziri pamusoro pekutsanangudza mamiriro akaita zvinhu kana chinhu. Ipapo zvakare hapadi kuti utange zvinhu zvitsva asi kuti tora zvawakadzidziswa maringe nemhando yerondzedzero  iyoyo. Tevedzera gwara sekudzidziswa kwawakaitwa asi iwe wongorungawo mutauro wako kuti ukwanise kukwezva goho repamusoro.

Kana uchitsanangudza chinhu, rega kuti bate chino rege.

Chawabata ibva wafamba nacho kusvika wachipedza wozonhanhira pane chimwe nekuti ukanyobvora nyobvora, pfungwa dzinobva dzakanyika shumo yazvo yoshaikwa.

Imwe mhando yerondedzero ndeyekutsanangudza maitirwo ezvinhu. Iyi inoda kana munhu uine ruzivo rwakakwana pamusoro pechinhu ichocho. Hazvizoda kuti ugonyepa kana kuita zvekufungidzira nekuti vakwenyi vebasa vanogona kunge vaine ruzivo rwakadzama pamusoro pechinhu ichocho nekudaro ukarasika anobva atozviona wobva watorerutsa goho rako.

Kana uchitsanangudza mabikirwo erupiza, chibva wati nemo nemo. Rondzedzero yegakava inoda hunyanzvi hwekugona kukamuranisa nekuenzanisa zvinhu uye kutsigira mashoko ako. Haizi mhando ingadherereka asi kuti inoda vane pfungwa dzinopinza. Pfungwa yega yaunopa inoda kutsigirwa namashoko akasimba ane ugo neutesve.

Kana wonopendera rondedzero yegakava, unofanirwa kuzosara uine divi rako rawakarerekera. Sokutaura kwandaita, hazvidi usina ruzivo rwemativi ose nekuti pakuda kuzozvirwisanisa panogona kuti remei.

 

Share This:

Sponsored Links