Zvinhu zvinozonzi zvaita kana zvaita sei?

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA

naIgnatius Mabasa

HAZVINA kuipa kuti tishande nesimba kuti zviroto zvedu neshuviro zvizadzisike. Inguva zhinji dzandiri kusangana nevanhu vari kupiya-piya nekumhanya-mhanya kuti zvinhu zvavo zviite, zvibatane. Asi izvo zvinhu zvinozonzi zvaita kana zvaita sei? Chii chatinenge taona?

Nekuti kune vanhu vaunofunga kuti zvinhu zvavo zvaita, asi wozoshamisika kuti vachiri kuda zvimwe. Nhai imi, kana dumbu richizara nezvekudya, uye kana bhegi richibvaruka nekuzarisa, sei mwoyo yedu vanhu isingagute kana kufinhwa?

Vanhu tiri kutsvaga zvinhu veduwee, zvekuti nyangwe zvikwambo zvatove palist yezvinhu zviri kutsvagwa nevamwe. Vamwe vari kuzviwisira mudziva redzidzo nyangwe vasingagone kushambira. Kwavari, kuwana dzidzo, nyangwe madhaka ayo ndihwo hupenyu.

Vamwe vari kuvhima musango mhuka inonzi basa, kana kupinzwa mudhiri, kana kuba, kana kutenga mota, kana kuroorwa nemupfumi, kutenga imba, kuita bhegi remari samuporofita Twabam-Twabam.

Vamwe vedu tiri kutsvaga mari zvekuti tinosarudza kuti zvimwe zvinhu zvese zvife nekushaya basa kuti tingokwana-kwana. Chiri kutiuraya inyaya yekutarisa kubudirira kwaita Widzo, Godhazi, Peshi kana Chipo zvekuti nesuwo tinoda kufanana naye kana kutomudarika.

Tinoshaya hope nekuti mota yataona ichifamba naTwabam haienderane nekubva kuGokwe kwake asina kana chikoro.

Tinodzipwa negodo zvekupotsa tatsikwa nemota nekuti tasangana naTawaz akagerwa kaCut, akarova kasutu kanoburitsa mateya, achifamba nekastep achipinda mubhengi akabata mazifoni maviri.

Kana dziri hanzvadzi dzangu dzinobva dzabvisa hembe kuti dzisvetukire muSwimming pool yemakuhwa. Chikonzero chiri chekuti vanenge vasangana naJuliet aine wivhi ine CV, akapfeka hembe dzinodetemba mutupo wekwaMariyawanda.

Pamusoro pekuchena kwaJuliet, anenge ane murume waanoudza vamwe vake kuti ndiye waari kuchata naye mwedzi uri kutevera. Adaro, Juliet anobva avhura handbag inenge bhengi, oburitsa invitation card rekumuchato uchaitirwa kuUmwinsee – nzvimbo inenge nyika isiri muZimbabwe.

Nyangwe Julie paanonyora paInvitation card, nzara dzake, chinyoreso chaari kushandisa nehwema hwePerfume huri kubva paari zvinongotaura kuti dai ari foni ari iPhone 15 isati yabuda.

Tinoda zvinhu kunge svosve rinoruma mombe richida kuikakatira mumwena waro.  Tinorwadziwa nezvatinoona zviine vamwe nyangwe tisingazive kuti vakazviwana sei kana kuti kwavakazviwana vakapihwa mhiko dzerima dzekuti vapote vachiita.

Asi Bhaibheri rinoti zviri nani kurarama hupenyu husingashamisire uye rwune runyararo pane kurarama hupenyu hwemari zhinji asi huine kurwa nekukakavadzana. Chinhu chakakosha kuti tigamuchire kuti chatisina hatina. Kana tikada kuve nechatisina tichamutsa mweya yekuba nehuroyi.

Vamwe pavakanga vachipemberera goredzva, mumwe mushandi akaponda amai vaaishandira akavasungirira matombo asati azovakanda mudhamhu. Avakanda mudhamhu kudaro, akazotora mota yemushakabvu ndokuzonoita tsaona achibva afawo.

Hatiende kudenga tichidhiraivha. Haisi wivhi inoyerera ichatipinza kudenga. Nekuti kudenga ikokowo vanobvunza kuti, “Munhu anobatsirwa nei kana achinge awana zvese zvaanoda panyika pano, asi kana afa obva ashaya denga?”

Tinoda zvinhu. Mumwe mukadzi akati chaanongoda kuita bhegi, zvekuti bhegi racho rabva kupi hazvina basa. Asi ndipo patiri kufira ipapa.

Zvinhu zvatinoda izvi, ndizvo here zvinodiwa naMwari kuti tinge tiinazvo? Mwanakomana waMwari paakanga ari panyika akanga ane bhegi here? Ko imo muzvinhu, mune rudo nechokwadi?

Share This:

Sponsored Links