Zvinoda kubatana  

29 Jul, 2021 - 10:07 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKAMU chemapurisa anodyidzana neveruzhinji kudunhu reMashonaland East chobatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana neimwe kambani yakazvimirira inobika chingwa mukurwisa kupararira kwehutachiona hwechirwere cheCovid-19 zvichitevera kukurumbira kuri kuita denda iri kudunhu iri.
Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti dunhu ravo nderimwe renzvimbo dziri kubatwa vanhu vakawanda neCovid-19 uye nekufa nechirwere ichi.
“Dunhu redu reMashonaland East nderimwe riri kubatwa vanhu vakawanda nechirwere cheCovid-19 nekudaro isu semapurisa takabatana nebazi rezveutano tiri kufamba nemasabhuku nemadzishe munharaunda tichitaura neveruzhinji nekuda kwematanho anofanirwa kutorwa pakudzivirira kupararira kwechirwere chi,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vanoti vari kubatsirwa nemotokari yekufambisa pamwe nemafuta acho ekufambisa nekambani yeProton Bakeries uyewo nemichina yekushambadza mashoko paruzhinji.
“Nyanzvi dzezveutano dzatinofamba nadzo dzinotaura nevanhu isu semapurisa tichisimbisa chirongwa ichi nekutaurawo mitemo ine chekuita nekurwisa Covid-19. Tine vakawanda vari kusungwa nenyaya dzekusapfeka mamasiki, kuungana, kufamba munguva dzisingabvumirwe (curfew) nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vanoti vanhu vazhinji vari kubatwa nechirwere ichi mudunhu reMashonaland East vanenge vabva kundufu  uko vanosangana nevanhu vakawanda pasina kushandiswa kwenzira dzekuzvidzivirira kubva kudenda iri.
“Tiri kufambawo mudzinhamo tichitaura nevanhu kuti vasaungane nekurara vakarindira zvitunha inova imwe yenzira huru iri kuparadzira denda iri,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vanoenderera mberi vachiti, “Isu semapurisa tinoramba tichisunga vanotyora mitemo ine chekuita neCovid-19 pasina kusarudza kuti munhu ndiyani. Hatikoshesei hupenyu hwedu tizvichengetedze kubva kuchirwere ichi nekuti hachisarudze wachinobata.”
 Pasi pechirongwa ichi, vanodaro Insp Chazovachii, vari kufambawo zvakare nevesangano reEnvironmental Management Agency (EMA) vachiparidza mashoko ekuti veruzhinji vadzivirire moto wesango.
“Moto wesango unoparadza hupenyu hwevanhu nehwemhuka uyewo nekukonzera gukuravhu nekuurayawo zvimwe zvipukanana nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vadzivirire kunyuka kwemoto uyu,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vanoti mukufamba kwavo vari kutaurawo nemasabhuku nemadzishe nekuda kwekuparwa kwemhosva dzekupondana nekurovana mudunhu reMashonaland East.
“Tine nyaya dzekupondana kuNyamapanda dzanyanya nekumwewo nekudaro tiri kufamba tichikurudzira runyararo nekutaurirana nguva dzose uye kuti kana vanhu vatadza kuwirirana vaende kumadzishe nemasabhuku. Saka tinoti nyaya dzose ngadzikurudzirwe kusvitswa kumapurisa. Tiri kurova shiri nhatu nedombo rimwe chete pakushanya kwedu: kuti kuparidza kurwisa denda reCovid-19, kudzivirirwa kwemoto wesango nekutaurawo nyaya dzekusiyana nekurwisana nekupondana,” vanodaro Insp Chazovachii.

Share This:

Sponsored Links