‘Zvinoda kukasika kunovhenekwa’

24 Jan, 2021 - 16:01 0 Views
‘Zvinoda kukasika  kunovhenekwa’ Professor Elopy Sibanda

Kwayedza

Abel Ndooka

NYANZVI yezveutano – Professor Elopy Sibanda – vanoti zvakakosha kuti vanhu vachimbidze kunovhenekwa nemachiremba kana vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 kuitira kuti varapwe nekukasika.

Prof Sibanda – avo vanova muridzi weTwin Palms Medical Centre GAMMA Allergy and Immunology Laboratory inove imwe yenzvimbo dziri kuvhenekwa vanhu chirwere ichi – vanoti vanhu vakawanda vari kubata denda iri asi vogara naro uye vamwe vosvika pakufa zvotozozivikanwa kuti vange vane Covid-19 pashure.

Vanoti izvi ndizvo zvimwe zviri kuita kuti chirwere ichi chirambe chichipararira sezvo vanhu vari kuverengera kana kutya kunoongororwa nguva ichiripo.

“Chiri kupedza vanhu inyaya yekuti vari kutya kunotariswa kuti vane Covid-19 here kana kuti havana. Asi zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe nguva ichiripo sezvo zvichibatsira kuti vezveutano vagone kutora matanho chaiwo anodiwa kuti denda iri risarambe richipararira.

“Covid-19 haidi kunonokerwa, munhu akangofungira kuti inenge yamubata ngaatomhanya kunachiremba anobatsirwa orapwe nguva ichiripo. Vakasavhenekwa ndipo vanhu vanofamba vachiitapurira kune vamwe,” vanodaro Prof Sibanda.

Vanoti zvakakoshawo kuti vanhu vagare vachidya chikafu chinovaka muviri sezvo chiri icho chinoumba masoja anorwisa zvirwere zvakasiyana.

“Chikafu chatinodya chakakosha chaizvo panguva ino. Tinofanira kudya chikafu chine utano, chine mavhitamini akawanda nekuti anodiwa mumuviri uye anobatsira pakurwisa denda iri kana rikapinda mumuviri.”

Vanoti mhando yeCovid-19 iyo yakanyuka kepiri nguva pfupi yadarika iri kupararira nekukasika kana zvichienzaniswa neyekutanga.

“Covid-19 yepiri iyi iri kubata mazera ose – vakuru nevadiki – saka zvakakosha kuti vanhu tirambe tichitevedzera mitemo yose yakatarwa neHurumende inosanganisira kuti vanhu vagare kudzimba kuitira kuti denda iri risarambe richipararira,” vanodaro Prof Sibanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey