Zvinodhaka neCovid-19

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Zvinodhaka  neCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI vanoyambirwa kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka sezvo zviri zvimwe zvinoita kuti vashaye hanya nekutevedzera matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 anosanganisira kupfeka mamasiki nemazvo, kurega kuungana uye kushambidza maoko nguva nenguva.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera pachirongwa chekusimudzira vechidiki mumaguta, cheSafety Initiatives Within The Public Spaces, icho chakarongwa nesangano reYouth Alliance for Safe Cities vakabatana nePlan International, House Arts Association neZimbabwe Youth Council muguta reHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota reHurumende reHarare Metropolitan Province – Cde Oliver Chidawu – mumashoko avo avakaverengerwa nadirector webazi rezvekutongwa kwematunhu, Mai Cathrine Kampila, vanoti vechidki vanoda chengetedzo yakasimba munzvimbo dzeruzhinji idzo vanoswera.

“Tinotenda Hurumende nekutsigira kwayo ZUPCO kuti veruzhinji, kusanganisira vechidiki, vawane zvekufambisa nemitengo yakaderera. Mapurisa ari kuitawo basa guru rekuona kuti vanhu havakwire motokari dzemushikashika idzo dzisina kunyoreswa zviri pamutemo, donzvo riri rekuona kuti vanhu vatevedzera nzira dzose dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye mirawu yakatarwa,” vanodaro.

Zvisinei, vanoshora nyaya dzekuungana pamwe nekuzadzwa kuri kuitwa vanhu mumabhazi vachiti izvi ndizvo zvimwe zvinokonzera kutapuriranwa kweCovid-19.

“Hurumende iri kubatsira vechidiki kuti vaite mabhindauko anoita kuti vawane chouviri uye pari zvino vanodarika 658 vakatobatsirikana kuburikidza nechirongwa ichi apowo nhengo dzechirongwa cheHouse of Arts dzakaburitsa mavhidhiyo 26 ane donzvo rekurwisa Covid-19. Kutsigirwa kwevechidiki kunobatsira mukuzadzikiswa kwezvinangwa zvedu zvebudiriro pasi pechirongwa cheNational Development Strategy 1 uye Vision 2030,” vanodaro Cde Chidawu.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotiwo vechidiki vanoda chengetedzo yakasimba kuti vasapinda munyaya dzemhirizhonga uye kutora zvinodhaka.

“Kana vechidiki vakaswera vagere mumabhiriji vachitora musombodhiya nezvimwe zvinodhaka, zvinoita kuti vasava nehanya nekupfeka mamasiki kana kugeza maoko. Nokudaro zvinopa mikana yakawanda yekutekeshera kwechirwere cheCovid-19.

“Njodzi yekunyuka kechitatu kweCovid-19 inogona kuvapo kana vanhu vakasaita hanya yekutevedzera mitemo yeWorld Health Organization Guidelines. Vechidki ngavapfeke mamasiki nemazvo kunyangwe vari muzvikoro nepavanoenda kudzimba nekuti kushaya hanya ikoko ndiko kunokonzera kuti nyaya idzi dziwande muzvikoro uye mapurisa acharamba achisunga vapari vemhosva,” vanodaro.

Kuchiti Mai Memory Kayati vanova Zimbabwe Youth Council provincial manager muHarare, vanoti vechidiki vanofanira kunge vaine nzvimbo dzavanokwirira mabhazi dzinoita kuti vasaungane kana kumbunyikidzwa.

Lucia Ruvarashe Chigiji, uyo anova Junior MP uye Ambassador weHarare Central, anoti vechidiki havafanire kufunga kuti chirwere cheCovid-19 hachivabate.

“Covid-19 inobata munhu wose, vakuru nevadiki, uye yakatowandira matiri isu vana vechikoro zvichitevera nzvimbo dzatinoswera takaungana. Mamasiki ngaapfekwe muzvikoro pasina tsvete uye hazvina kuipa kutsiura mumwe wako kana uchinge wamunona asina kupfeka masiki nekuti donzvo guru nderekuchengetedza upenyu,” anodaro.

Mashoko ake anotsigirwa naLeeroy Ndambi anova Junior MP weSt Mary’s achiti vamwe vechidki vari kushaya zvekuita nokudaro vanoda vanovayambira maringe nehuipi hwekutora zvinodhaka.

“Kana vechidiki vakawaniswa mabasa nezvimwe zvekuita, zvinobatsira kuti nyaya dzekutora zvinodhaka dziderere uye kushandiswa kwemamasiki kunofambira mberi nemazvo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>