ZVINODHAKA: ‘Vana vedu vopera’

23 Feb, 2023 - 14:02 0 Views
ZVINODHAKA: ‘Vana vedu vopera’ Mutoriro

Kwayedza

Abel Ndooka naMalven Mugadzikwa

DAMBUDZIKO rekutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe, kunyanya nevechidiki, ranetsa zvikuru muZimbabwe izvo zviri kuona Hurumende ichibatana nemapoka akasiyana mukurwisa katsika aka.

Zimbabwe nemusi weChipiri chino yakacherechedza zuva revechidiki reNational Youth Day uye gungano guru raiva kuLupane State University, kudunhu reMatabeland North.

Vachitaura pamhemberero idzi, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kutora matanho akakodzera mukurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka munyika.

“Hapana chiri kuzosara chakavanzika. Nharaunda dzinokurudzirwa kufumura avo vanochengeta vanotengesa zvinodhaka. Hapana ari pamusoro pemutemo,” vanodaro President Mnangagwa.

Hurumende iri kushanda nemasangano akasiyana panyaya yekurwisa kushandisa kwezvinodhaka.

Mutoriro

Mukuru wesangano reShifting Your Mindset, iro rinoita basa rekudzidzisa veruzhnji nezvehuipi hwekutorwa kwezvinodhaka – Mai Mutsa Makaka – vanoti vanotsigira zvikuru chirongwa cheHurumende ichi.

“Chirongwa cheHurumende chakakosha nekuti isu tinoda kuona zvinodhaka izvi zvichibva munyika yedu nekuti zviri kupedza vana vedu. Vana vazhinji vave kuita marombe nekuda kwezvinodhaka.

“Nyaya yezvinodhaka iyi inotoda mushandirapamwe weHurumende nemasangano akasiyana, toshanda pamwe chete mukupedza kutorwa kwazvo,” vanodaro.

Mai Mutsa Makaka

Mai Makaka vanoti zvakakosha kuti pavakwe nzvimbo dzakawanda dzinobatsirwa vanhu vanenge vakanganiswa nezvinodhaka.

“Shuviro yedu kuona pachivakwa marehabilitation centres akawanda munyika agopota achibatsira vana vanenge vakanganiswa nezvinodhaka, zvikuru sei kudzoreredza upenyu hwavo uho hunenge hwakanganiswa nezvinodhaka,” vanodaro Mai Makaka.

Mukushi wemashoko kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti muzvikoro zvose mave nezvirongwa zvekudzidzisa vana pamusoro pekuipa kwekutora zvinodhaka.

VaTaungana Ndoro

“Kune chirongwa cheGuidance and Counselling chiri kuitwa muzvikoro zvose nguva nenguva apo vana vanotaurwa navo pamusoro pezvinodhaka.

“Kana pakaita mwana anenge afungidzirwa kana aonekwa kuti akadhakwa, anotorwa toshevedza vabereki vake uye toita kuti mwana aendeswe kurehabilitation anonobatsirwa,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti muchirongwa ichi, vari kushanda nemamwe mapazi eHurumende mukurwisa dambudziko iri.

Nguva pfupi yadarika, vadzidzi vasere vepachikoro cheDominican Convent, muHarare, vakadzingwa chikoro mushure mekunge vabatwa kuti vari kutora zvinodhaka.

Zvichakadai, vamwe vechikuru vanoti kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki mazuva ano kuri kuvashungurudza zvakanyanya.

Mbuya Regina Zodwa Mazhindu (64) vemuHarare vanoti kare kwaitorwa zvinodhaka asi zvaiva nani uye zvaisatuma vanhu kuita mabasa akaipa kana zvichienzaniswa nemazuva ano.

Mbuya Regina Zodwa Mazhindu

“Zvinodhaka zvainyanya kutyisa kare ndezvakaita sembanje nedoro, ndizvo zvataiziva zvaiva nemukurumbira. Kare, vanhu vaiti vakadhakwa vaisasvika pakutadza kuziva zvavanoita.

“Zvinodhaka zvamazuvaano zvave kuita kuti vanozvitora vatadze kurara kana kutaura chaiko. Dzimwe nguva unongoona munhu akati rabada asingagone kufamba kana kutaura,” vanodaro Mbuya Mazhindu.

Vanoti vechidiki vamazuva ano vave nenungo dzekuzvishandira izvo zvave kuita kuti vafarire kutora zvinodhaka zvavanoona zviri nyore sezvo zvimwe zvacho zvisingadi mari yakawanda.

“Mari zhinji iri kutengeswa zvinhu izvi ndeyekutengesa midziyo yemumba nekubira vanhu. Vanhu kare vaidhakwa nemari yekuzvishandira asi vana vamazuva ano vave kuzviitisa, havachadi kushandira upenyu hwavo asi kuti kudya vakagara,” vanodaro Mbuya Mazhindu.

Vanoti chimwe chaipira vechidiki ndechekuti havachatsiurike.

Kare, vanodaro Mbuya Mazhindu, mwana aikwanisa kutsiurika chero nemuvakidzani chaiye asi mazuva ano hazvisisiko nekuti vana vave kuti vane kodzero dzavo uye vabereki havachadi kutsiurirwa vava vavo.

Vanoti izvi zviri kuita kuti vana vashaye hunhu sezvo vavakidzani vakaona mwana achiita zvakaipa, vanongomusiya akadaro.

Zvimwe zvezvinodhaka zviri kutorwa nevechidiki zvinosanganisira mutoriro, gukamakafela, kambwa, bronco, nembanje.

Share This:

Sponsored Links