Uncategorized

‘Zvinodhaka zvakanganisa vechidiki’

09 Aug, 2022 - 09:08 0 Views
‘Zvinodhaka zvakanganisa vechidiki’ Wilbert Jena

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reFor the Youths by Youths rinoti ibasa remunhu wose kurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki zvichitevera kukanganisika kuri kuita remangwana ravo nekuda kwemutoriro nembanje.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pamhemberero dzekucherechedza zuva rekurwisa kutorwa nekutengeswa kwezvinodhaka reInternational Day Against Drug Abuse and Illicit Traffic, VaWilbert Jena, vanove chamangwiza wesangano iri vanoti kutorwa kwezvinodhaka kuri kuramba kuchiwedzera.

Vanoti raramo yevechidiki iri kukanganisika nekuda kwekutora zvinodhaka uye vamwe vari kutorasikirwa neupenyu hwavo.

“Mutoriro nezvimwe zvinodhaka ratove dambudziko guru ratakatarisana naro munyika iro rakanganisa upenyu hwevechidiki vedu vakawanda.

“Ibasa redu tose kuti tirwise kutorwa kwezvinodhaka izvo zvisingatenderwi mumuviri uye tikaona ari kuzvitengesa tonomhan’ara kumapurisa nekuchimbidza,” vanodaro.

VaJena vanoti vari kushanda nemapurisa kurwisa dambudziko iri.

“Tave kutoshanda nemapurisa mukurwisa dambudziko iri. Kana pane patinonzwa kunzi pari kutengeswa mutoriro tinozivisa mapurisa ivo voenda kunoita basa ravo.

“Tiri kurwisa chaizvo kuti mutoriro ubve matinogara, usambosvike kune vechidiki nekuti vakawanda vakanganisika zvikuru,” vanodaro VaJena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey