Zvinodiwa kana uchibva kuSA

12 Nov, 2020 - 08:11 0 Views
Zvinodiwa kana  uchibva kuSA Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti nechinangwa chekuti pave nekufambiswa zvakanaka kwebasa kumuganhu weBeitbridge Border Post panyaya dzezvizvarwa zvemuno zvinenge zvichibva kuSouth Africa panguva ino yekurwisa kupararira kweCovid-19, hofisi inomirira Zimbabwe kunyika iyi ine matanho ayakatora (Standard Operating Procedures kana kuti SOPs) ayo anofanirwa kutevedzwa nemakambani emabhazi ari kutakura vanhu vari kudzoka kumusha.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekukushwa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti mabhazi ose ari kutakura vanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa anofanirwa kutanga apihwa mvumo nehofisi inomirira Zimbabwe kunyika iyi.

Vanoti vanhu vari kudzoka ava nevashandi vemumabhazi vanofanirwa zvakare kuve nemagwaro avanenge vatora mukati memaawa 48 vasati vasimuka anoratidza kuti havana Covid-19.

“Mabhazi ose ari kutakura vanhu vari kudzoka kumusha kubva kuSouth Africa anofanirwa kutanga apihwa mvumo nemahofisi anomirira Zimbabwe kuCape Town kana Johannesburg mazuva maviri asati asimuka. Makambani emabhazi aya anofanirwa zvakare kupa mazita azere evanhu vose vachatakurwa, nhamba yepasipoti kana mamwe magwaro ekufambisa, nzvimbo iri kuendwa muZimbabwe pamwe nemagwaro azere emutyairi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Vose vafambi nevashandi vemumabhazi vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti havana chirwere cheCovid-19 ayo avanenge vatora mukati memaawa 48 vasati vasimuka.”

Zvakakosha kuti vemabhazi vaone zvakare kuti vanhu vavanotakura vane magwaro akakwana.

Sen Mutsvangwa vanoti mabhazi anosvika mashanu chete ndiwo achatenderwa kupinda nepamuganhu wenyika uyu pazuva.

Votaura nenyaya yemamiriro ezvinhu muzvikoro zvichitevera kuvhurwa kwazvakaitwa kuchikamu chechitatu (Phase 3) nemuMuvhuro, Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti vabereki vabatsire mukurwisa Covid-19 nekupa vana vavo midziyo inosanganisira mamasiki.

“Kunyangwe zvazvo Hurumende iri kutsigira nemaPPEs (Personal Protective Equipment), vabereki nevamwe vanochengeta vana vanotarisirwa kuti vabatsire nekupa vana vavo vari kuenda kuchikoro mamasiki,” vanodaro.

Hurumende yakatora danho rekuti zvikoro zvivhurwe muzvikamu nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 8 610 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 8 040 vakatopona asi vamwe 255 vakafa.

Share This:

Sponsored Links