Zvinodiwa pabvunzo

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

GADZIRIRO yebvunzo dzeUvaranomwe hweChiShona

Zvakakosha kuti uite gadziriro yakasimba yekunyora bvunzo dzeuvaranomwe (nhetembo nenganonyorwa) – dzingave dzepakati pegore kana dzekupera kwegore. Iva nechokwadi chekuti wakaverenga ukanzwisisa mabhuku ese enhetembo neenganonyorwa awakanzi uverenge, usati waenda kunonyora bvunzo. Bvunzo dzinogadzirirwa nenzira dzakasiyana-siyana. Unokwanisa kuverenga mabhuku enganonyorwa kusvika waona kuti wanyatsonzwisisa zvese zvinoitikamo.

Angave manyepo kuti titaure tichiti mabhuku enganonyorwa anoverengwa kangani chaizvo usati wanonyora bvunzo.

Zvinodaro nekuti dzimwe nguva kunzwisisa kwenyu kunosiyana zvichienderana nebhuku ramuri kuverenga, nzvimbo yamuri kuverengera nemaverengero amunenge muchiita.

Zvakanaka kuti uverenge bhuku ringave renganonyorwa kana renhetembo wakagara panzvimbo ine runyararo, usingamhanye-mhanye uye wakanyatsodekara. Kurudziro ndeyekuti bhuku renhetembo kana renganonyorwa ngariverengwe katatu zvichienda mberi.

Izvi zvinoita kuti unyatsonzwisise zvinotaurwa munhetembo, mashandisirwo ezvidavado, zvinofarirwa navananyanduri vakasiyana, madingindira, nezvimwewo; uye mafambiro enyaya, kubata mazita evatambi, zvavanoita, zvidzidzo, matambudziko anowira vatambi, kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya, nezvimwewo.

Wave kuenda kunonyora bvunzo tarisa kuti watakura chinyoreso chinonyora zvakatsetseka uye zvese zvonodiwa. Unofanira kubata nguva dzinenge dzichinyorwa bvunzo. Kasika kusvika panzvimbo yauri kunyorera kuitira kuti uzive hurongwa hwekwauchanyorera.

Ukanonoka kusvika panzvimbo inonyorerwa bvunzo unogona kuzovhiringika kuti unenge uchifanira kunyorera mukamuri ipi. Izvi zvinoita kuti uzotanga bvunzo pfungwa dzako dzisisiri pamwe chete.

Mushure mekunge wapinda muri kunyorerwa bvunzo, unenge usisabvumirwe kutaudzana neshamwari kunze kwekumirira bvunzo kuti ichitanga. Une nguva yaunopiwa nevanotarisa mafambiro ebvunzo yekuverenga mitemo yese yekuchengetedza neyekupindura bvunzo inowanikwa pashizha rekutanga. Mitemo iyi iripo pakukubatsira kuti unge uchiita zvinodiwa nevarindiri vebvunzo nevakwenyi vadzo.

Unofanira kuverenga mitemo yese inenge yakanyorwa pashizha rekutanga woinzwisisa usati watanga kunyora bvunzo.

Zvakanaka kuona kuti washandisa nguva yako zvine ungwaru pakunyora bvunzo. Chinonzi bvunzo inzira inoshandiswa nevadzidzisi kupima ruzivo rwemudzidzi rwaakanga achipihwa kwemakore aanenge apedza ari kusekondari.

 

Naizvozvo vanopima zivo iyi vachishandisa nguva. Izvi zvinoreva kuti bvunzo dzinoenderana nekugona kushandiswa kwenguva. Ukatadza kushandisa nguva nemazvo zvinoreva kuti uchakundikana kupedza bvunzo dzako wotadzawo kubudirira zvinogutsa kubva mubvunzo idzodzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey