Zvinodzidzwa mungano

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

PARI zvino mave kuziva kuti ngano dzinodzidzwa kuchidzidzo cheUvaranomwe paShona yeA-Level muchikamu chekutanga. Zvakakosha izvi nekuti zvinokupai mukana wekuverenga mabhuku amunoda kuzopindura pabvunzo. Regai tibate zvimwe zvinhu zvinokosha zvikuru pakudzidza nekudzidzisa ngano.

Tichatarisa zvinhu zvakawanda chaizvo zviri pamusoro pengano zvinoti, basa rasarungano, kuziva chinonzi ngano, zvidzidzo zvinowanikwa mungano, basa rengano, vatambi vanowanikwa mungano, mamwe madingindira engano uye mamiriro engano nezvimwewo. Ruzivo rwese urwu rwunokubatsirai kuti muzokwanisa kuongorora ngano zvizere.

Chii chinonzi ngano?

Ngano mutambo wepasichigare waitambwa nasarungano nevateereri munguva dzemanheru kunyanya mumwaka weChirimo. Vakuru vakare vaitendera kuti zvaiera kuita ngano munguva dzeZhizha sezvo minda yaizoroporwa navaropo. Izvi zvaireva kuti minda yaizodyiwa nemhuka dzakaita semakudo, tsoko, makunguwo kana zvimwewo zvikara zvesango zvinoparadza zvirimwa zvinosanganisira mhashu, tsunu nezvimwe zvipembenene.

Chokwadi chaicho chiripo ndechekuti kuita ngano munguva dzeZhizha zvaizoita kuti vanhu vaparadze nguva yekuzorora sezvo vaiwandirwa nemabasa. Izvi zvinotsigirwa zvakare nepfungwa yekuti vakuru vedu vairarama nekurima, saka vaiswera vachiita mabasa muminda. Ndizvo zvaiita kuti vazode kukasika kuzorodza miviri munguva dzemanheru.

Nokuda kwaizvozvo, kuita ngano munguva dzehusiku kwaizokanganisa vanhu kuita mabasa avo muzuva raizotevera sezvo vaizoshaya nguva yakakwana yekuzorora. Sezvo VaShona vaitendera zvakanyanya mutsika dzavo, kushandisa zvierwa yaive nzira yekugadzirisa matambudziko munharaunda. Hapana mwana aizopikisana nepfungwa dzaitaurwa navakuru kana achinge aziviswa kuti zvaaida kuita zvaiera sezvo kupikisa vakuru kwaiburitsa unhu hwakafumuka.

Zvinhu zvakakosha zvinoda kuzivikanwa mungano

· Ziva bhuku rengano

· Mabasa engano

· Basa rasarungano

· Basa revateereri

· Madingindira

· Tsika nemagariro

· Unhu nemabasa anomiririrwa nemhuka

· Maonerwo evanhukadzi/vanhurume/vana/vanhu vanoshoreka/vanorarama nehurema.

· Kutandadza kwengano

· Mashiripiti anobuda mungano

· Maumbirwo engano

· Zvidzidzo zvinobuda mungano

· Musiyano wenganonyorwa nenganotaurwa

· Musoro wengano

· Kupfupisa ngano yoga yoga

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey