Uncategorized

Zvinoitika, handi huroyi: VET

17 Apr, 2019 - 15:04 0 Views
Zvinoitika, handi huroyi: VET Dr Nyika

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUKURU webazi reDepartment of Veterinary Services kudivi rezvemhuka, Dr Josphat Nyika, vanoti zvinokwanisa kuitika kuti mhuka kana zvimwe zvipfuyo zvinogona kubereka mhuru isinganzwisisike chimiro chayo nekuda kwekukanganiswa kwekuumbwa kwainenge yakaitwa isati yazvarwa.

Mashoko avo anotevera nyaya yetsiru remombe yekuGuruve iro rinonzi rakabereka bere.

Mombe iyi inonzi yakabereka bere mushure mekunge iyo nedzimwe dzemudanga rimwe chete dzambofuma dzakasungwa miromo nemachira matsvuku nemachena nemumhu asina kuzivikanwa.

“Izvozvo zvinoitika, kuti mombe inokwanisa kubereka chinhu chisinganzwisisike. Hakusi kuroyiwa sezvinofunga vanhu, idambudziko rinonzi muchirungu ‘defomities’.

“Zvimwe zvinobuda zvakaita sekunge imbwa chaidzo asi dzisiri imbwa. Pane zvinenge zvakanganisika pakukura kwemhuru mudumbu maamai vayo, mhuru yobva yaremara,” vanodaro Dr Nyika.

Asi, Mbuya Rosemary Marumba (49) vekuEpworth, muHarare, vanoti havasi vanhu chete vanoroyiwa asi kana zvipfuyo.

“Honai mombe dzakatanga dzasungwa miromo nemachira matsvuku nemachena kureva kuti pakaitwa mhiko apa. Matanga emumisha iyi anofanirwa kugadzirwa nekuchenurwa kuti vanhu ava vazokwanisa kuti mombe dzavo dziwande uye dzisafe,” vanodaro.

Makore adarika, kune zviitiko zvemombe dzakabereka mhuru dzine makumbo matatu, dzimwe dzine misoro miviri nezvimwe zvakawanda zvinoshamisa.

Mhuru dzinoberekwa dzakadai dzinonzi dzinoendeswa kuUniversity of Zimbabwe (UZ) kuchikamu chezvezvidzidzo zvemhuka poitwa ongororo nenyanzvi.Mhuru inoshamisa ine misoro miviri.

Share This:

Sponsored Links