Zvinoitika kana vanhu vanokandira

19 Oct, 2022 - 13:10 0 Views
Zvinoitika kana vanhu vanokandira VaGeorge Kandiero

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBVA pasichigare, vanhu vatema vanozivikanwa nekuenda kunokandira kana kuti kunobvunzira kun’anga kana pane zvavangada kuziva, kunyanya zvinonetsa.

Kubvunzura uku pachivanhu kunonzi ‘kukandira’

Izvi zvinoitwa mumatare edzin’anga kana masvikiro.

Asi nekufamba kwenguva uye nekuuya kwezvimwe zvitendero, mazuva ano vamwe vava kunobvunzira kana kumaporofita.
Chii chaicho chinenge chichimboitika mukati mematare en’anga idzi?

Kwayedza inoita hurukuro nedzimwe nyanzvi dzechivanhu ndokunzwa mavhu nemarara.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), vanoti n’anga kana chiremba wechivanhu woga-woga ane nzira dzaanoshandisa mukubatsira vanhu mumatambudziko avanouya nawo kwaari.

“N’anga nemasvikiro nevamwe vanobatsira muchivanhu vanosiyana zvichifambirana nemhondoro kana midzimu inosvika pavari. Vamwe vanoridzirwa mbira nengoma kuti tateguru vasvike vopanda matare nekubatsira vanhu nemishonga nedzimwe nzira.

“Dzimwewo mhondoro dzinongorapa vanhu nefodya yebute pasina chimwe chinhu. Koitawo vamwe vanobatsira nemvura, kurova hakata nekududzira zvakavanzika zvinotambudza vanhu,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti kune vamwe vanoshandisa magirazi kuona mararamiro kana nematambudziko evanhu.

“Vamwe vanopfeka mbatya dzemachira eretso nedzimwe dzinodiwa nemhondoro kana mashavi ari pavari. Asi kune vamwewo vanongoshandira vanhu vaine mbatya dzavo pasina kumbosvikirwa nemidzimu,” vanodaro VaKandiyero.

Rimwe godobori rechivanhu, Mbuya Letwin Manguwo kana kuti Gogo Mamoyo, vanoti vanoita zvakasiyana mukubatsira vanhu.

Gogo Mamoyo

“Pane imwe nguva tinoridza mbira asi pamwe hatiridze zvichisiyana nemudzimu unosvika pandiri. Asi zvinoitika vanhu vachingopinda mudare rangu ndinobva ndaratidzwa matambudziko avo nekubatsirwa kwavanoda kuitwa.

“Kumachiremba echivanhu kwakangofanana nekuchipatara, vamwe vanoyambuka ipapo asi vamwewo vachitora nguva kuti vaite zvakanaka,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Vanoti dzimwe nguva vanoshandisa hakata dzematombo nemiti izvo zvakabikwa nemishonga pakukandira.

Sekuru Tasvu vemuguta reHarare asi kumusha vachibva kuMozambique, vanotiwo basa rose ravanoita rinotungamirirwa natateguru wavo mhondoro inosvika pavari.

Sekuru Tasvu

“Ini ndinoridzirwa mbira kuti sekuru vasvike, ndivo vanoziva zvekuita kwete ini. Pane girazi rakanotorwa nemudzimu kunyanza iro rinoona matambudziko evanhu.

“Vanhu vanooneswa vavengi vavo nekupihwa nemazita avo nekwavanobva. Chivanhu chakapfuma mufunge, ndicho chakatanga machiremba echirungu asati aveko.

“Machiremba echirungu anoshandisa michina kuongorora kuti munhu anorwara nei asi isu tinoshandisa ‘mhepo’ kana kuti mweya yemadzitateguru vanhu vorapwa vachipora,” vanodaro Sekuru Tasvu.

Votaurawo pamusoro penyaya iyi, Madzibaba Mateo Mupfumbati vemuHarare uye kumusha vachibva kuMt Darwin, vanoti masvikiro nemaporofita havana kunyanya kusiyana sezvo vose vachishandisa mweya mumaitiro avo.

Madzibaba Mateo Mupfumbati

“Ngoma nehosho nezvimwe zvinoridzwa nekuimba zvichishevedza mweya pedyo. Masvikiro nemashavi zvinosvika nekuridzirwa mbira, kunyangwe mumachechi mbira dzava kuridzwa zvakare.

“Isu mweya mutsvene unosvika totaura nendimi todudzira matambudziko evanhu tichivaporesa nemvura, mukaka nezvimwe zvinenge zvataurwa nemweya,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey