Zvinoitwa naMwenje

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
NDIANI waungati mutambi mukuru muna Kereke Inofa? Tsigira nezvinhu zvisere zvaanoita mumutambo uyu. [25]

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoendesa Zebra kuUK. Zvinobuda pavanomutengera tikiti rekukwira ndege asingazive ndokuzoerekana vava kumuti ave kutoenda kuUK vachiitira kusara vachidanana nemudzimai wake, Sarah.

Pastor Mwenje vanodanana nenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekwa zuva ravanosara vakagara muchechi vari vatatu — Zebra, Sarah naPastor Mwenje — vachikurukura nezverwendo rwekuUK. Zebra paanosuduruka pavaive achienda kunodairira foni yake panze, Pastor Mwenje naSarah vanosara vachitsvodana zvakadzama vokasika kuregedzana.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje avo vanoba mari dzekereke. Izvi zvinobuda pavanenge vari kuUK naSarah. Vanobvisa gumi rezviuru zvemayusa pamari yekereke yaienda kunobatsira vanhu vanotambura vachiipa Sarah, nhengo yekereke yavo, wavaidanana naye muchivande, achibva aitumira murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Kugadzirira marisiti ekunyepa kunoitwa naPastor Mwenje kunoita kuti vave mutambi mukuru. Tinozviona pavanobvisa gumi rezviuru zvemayusa aifanira kuenda kunobatsira vanotambura vachipa Sarah. Vanogadzirisa marisiti aisafambirana nemari yavakabvisa aizoita kuti vasabatwe kuti vaive vambokamura chimwe chidimbu chemayusa.

Pastor Mwenje vanopa nhengo yekereke yavo pamuviri. Izvi zvinoonekwa zuva ravanosara vakagara muchechi naZebra naSarah. Zebra paanoenda panze kunodaira foni. Vanoudzwa naSarah kuti akanga ave nepamuviri pavo paive nemwedzi mina zvinoita kuti vazoronga zano rekutiza naye vachienda kuUK kuri kuedza kuvanziridza pamuviri pavakanga vamupa.

Muna Kereke Inofa mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanonyepera mudzimai wavo, Mary. Izvi zvinojekeswa pavanoudza Mary vari kuUK kuti vakanga vabva naSarah kuZimbabwe nekuti aida kuzvishandira achitsvaga raramo asi chokwadi chiri chekuti vaida kuvanziridza pamuviri pavaive vamupa.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoita kuti nhengo dzekereke yavo dzitengese imba nemotokari. Tinozviona pavanoudza Sarah naZebra kuti vaida kuenda navo kuUK asi vaifanira kuzvitengera matikiti. Izvi zvinoita kuti Sarah naZebra vazotengesa imba yavo yaive kuBudiriro nemotokari senzira yekuunganidza mari yerwendo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey