Zvinoitwa nevatambi

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
NDEZVIPI zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi? (a) Gift Mwenje, (b) Mary, (c) Beauty, (d) Joram, (e) Susan. [25]

Zivai kuti mazita evatambi ava anogona kushandurwa. Munotsanangura zvinoitwa nevatambi zvakakosha (cause) zvinozokonzera zvimwe zvinhu kuti zviitwe chiriporipotyo (immediate effect), mutambo uchibva waenderera mberi. Tangai nekuratidza kuti mutambi ndiani mumutambo (identification), sekuti:

(a) Gift Mwenje aiva mufundisi weRevelations Church

Anotengera Zebra tikiti rekuti aende kuUK zvinoita kuti azosara achidanana naSarah mudzimai waZebra nekumupa pamuviri. Anopa Sarah gumi rezviuru zvemayusa vari kuUK kuti atumire kuZimbabwe zvinoita kuti Zebra azopedzisa kuvaka imba yavo yekuGlen View 7 uye kuudza Mary mudzimai waPastor Mwenje kuti akanga atumirwa mari yakawanda kwazvo naSarah.

(b) Mary aiva mudzimai waMufundisi Gift Mwenje

Anoudza Zebra kuti Sarah naPastor Mwenje vakanga vadzoka kuZimbabwe pamasvondo matatu aive adarika zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vashushikane zvikuru nekunonoka kusvika kumba kwaSarah. Anoita kuti Sarah avhenekwe pamuviri nachiremba. Izvi zvinoita kuti murume wake, Pastor Mwenje vazoronga zano nachiremba Ayub Kanu rekumunyepera kuti Sarah akanga asina pamuviri asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake.

(c) Beauty aiva mwanasikana waZebra naSarah Nyundo

Anokoka amainini vake Susan kuti vazoona furati raakanga atengerwa nechikomba chake Dance. Izvi zvinoita kuti Susan azochiva mari yaiva naDance ndokutanga kudanana naye muchivande Beauty asingazive. Anodanana naDance murume wemunhu zvinoita kuti azotapurirwa chirwere cheshuramatongo achiri kuchikoro kuUZ.

(d) Joram aiva sekuru vaZebra

Anorambidza Sarah kuti aende kuUK zvinoita kuti azogumbuka ndokubuda mumba make asina kuoneka achinoona Pastor Mwenje uye kusara achipopoterwa naZebra achinzi aida kumuparadzira imba. Anotsigira Zebra kuti arambe Sarah achiti ngaabve pamba pake aende kunogara naPastor Mwenje vakanga vamupa mwana muchivande. Izvi zvinoita kuti Rose mukoma waSarah ange achipikisana nazvo achiti aizovaendesa kumatare edzimhosva nekuti imba iyi yaive yavo vese, Zebra naSarah.

(e) Ayub Kanu aiva chiremba ari kuUK Anonyepera Mary kuti Sarah aive asina nhumbu asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake zvinoita kuti Sarah akwanise kubva kuUK achidzokera kuZimbabwe asati azvara. Anonyora matsamba ekuti Pastor Mwenje vakwanise kufamba naSarah mundege vachiti airwara zvinoita kuti ange achikasika kusvika kuZimbabwe ndokuzobatsirwa nemwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey