Uncategorized

Zvinoitwa ‘wiwi’ pachivanhu

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Zvinoitwa ‘wiwi’ pachivanhu Sekuru Chisanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti weti yemunhu inogona kushandiswa mune zvakasiyana — zvimwe zvacho zvine chekuita nehushereketwa — zvisinei nekuti machiremba akadzidzira basa anoti weti hapana zvainobatsira uye yakangofanana neimwe tsvina inobuda mumuviri wemunhu.

Izvi zvinotevera nyaya yemumwe mudzimai wekuGokwe uyo anonzi akaitira weti mumukanwa mechitunha chemuvakidzani wake — uyo akangopunzika ndokubva afa —achida kuti amuke.

Mukadzi uyu akangofa vaviri ava pavaipopotedzana vari parufu rwemumwe mwana weko.

Sekuru Friday Chisanyu — vanova mutungamiriri wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZNIPA) — vanoti pachivanhu, weti inowanzoshandiswa panyaya dzine chekuita nerunyoka senzira yekufumura zvakaita sekuti kana murume akashinha nemudzimai asiri wake uye akaiswa runyoka, hapana zvinozoitika kwaari.

“Makare-kare, mudzimai anenge akaiswa runyoka nemurume wake ndiye aiita weti yonwiwa nemunhu waachaita bonde naye kuti vaviri ava vasazonamirane kana kukuvadzwa narwo. Asi panyaya yakadai seyekuGokwe iyi, weti haishande zvachose asi kuti munhu iyeye anogona kunge akatofa nekubatwa nebuka kana kuti kuvhunduka mushure mekunongedzwa pachaunga kuti ndiwe wakauraya,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoshora vamwe varapi vechivanhu vari kushandisa weti kuti vanhu vanwe kana kuigeza kumeso senzira yekubvisa munyama vachiti zvinogona kukonzera kupararira kwezvirwere, kunyanya zvepabonde.

Bishop Nyaruvenda

Kuchiti Sekuru Peter Maponda vekuChipinge — avo vanove murapi wechivanhu — vanoti weti yemunhu inoshandiswa mumabasa ane chekuita nehushereketwa.

“Kune mimwe mishonga inosanganiswa neweti senzira yekudzinga mweya yakaipa kana zvikwambo. Zvakafanana nekuti weti yegudo inoshandiswa panyaya dzekuti bonde rifambe, ndokusaka ichitsvagwa nevanhu,” vanodaro.

Vanoti zvakare kana munhu anyanya kurwara kwenguva refu, anogona kunwa weti yake iyo yaanoita mangwanani-ngwanani senzira yekufumura hurwere hwacho kuti hudzikire kana kuine vakaipa vari kuhukonzeresa.

“Vamwe vanoshandisa weti mukutsipika kana kuti kuvhara nyaya dzavo apo vanoizora kumeso vachienda kumatare edzimhosva uye dzimwe pfambi dzinogeza neweti kuti dzikwezve varume.

“Weti ine munyu (sauti), saka inogona kushandiswa sechifumuro zvinongoitwawo apo vanhu vanoisa sauti pamisuwo yavo manheru kuti vavengi vashaye simba,” vanodaro.

Bishop Cuthberth Nyaruvenda, avo vanotungamiririra kereke yeSangano Dzvene Ravapositori Apostolic Faith Church, vanotiwo weti inogona kushandiswa nevanhu vane mangoromera.

“Munhu ane mangoromera kana akarova munhu, anogona kufenda saka kare tainzwa kuti nyakumurova aitomuitira weti kuti amuke mushure mekufenda. Asi, isu sevemachechi hatishandisi weti, tinongosevenzesa mvura yakaereswa nematombo muminamato yedu,” vanodaro.

Zvichakadai, Dr Bernard Madzima – vanova director of family health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana – vanoti weti haina zvainorapa asi kuti ingoriwo tsvina inoburitswa nemuviri.

“Weti haina zvizhinji zvainoshanda sazvinofungirwa nevanhu, asi kuti ingori tsvina inofanira kuraswa muchimbuzi nekuti ine utachiona nemabhakitiriya anogona kukonzera zvirwere kana vanhu vakainwa kana kuibata,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links