Zvinongoda gadziriro yakakwana

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
INO inguva yatakamirira kuuya kwegoho rebvunzo dzatakapedza gore rese tichigadzirira zvekuti hana dzedu dziri kuita kubika manhanga chaiko. Hapana ari kuziva zvichabuda mubvunzo idzi nekuti vanamazvikokota vari mushishi izvozvi kukwenya mapepa zvekuti panonopererawo mwedzi waMbudzi tichinopinda munaZvita, tinenge toziva kwatananga nekuti goho rinenge rava mumaoko edu.

Izvi hazvirevi kuti tongogara takabata shaya kudzamara goho rauya asi kuti ndiyo nguva yekufanoshewezheka kugadzirira kuzoenda kuchikoro chepamusoro. Gadziriro iyi haisi yekutenga zvipfeko zvekuchikoro nekuti hatisati toziva kuchazowira tsvimbo kana dohwe asi kuti tine twumwe twunhu twatinogona kufanoita tichimirira zuva guru rinouya goho redu.

Chekutanga ndechekuti tinofanirwa kunge tiine zvikoro zvatinoshuvira kuzoenda kana goho rauya. Mazuva ano nzvimbo dzechikoro hadzichaitwa zvekutsvagwa netsamba dzekunyora neruoko. Zvava kuitwa padandemutande nekudaro munhu anofanirwa kunge aiine ruzivo rwakakwana nechikoro chaanoda kuzonodzidza.

Ruzivo urwu rwunoda munhu anoita tsvagurudzo kubvira kumapoka enharembozha kusvikira kune vanoziva nezvechikoro ichocho kuti uwane kero yacho nenhamba dzekushandisa kupinda mudandemutande ravo. Pasina ruzivo irworwu, zvinonetsa kuti ukwanise kutsvaga nzvimbo kuchikoro chaunenge uchida. Izvi zvinoda kuitwa nguva ichiripo.

Tinosanganiswa kana kupesaniswa nezvitendero zvatinotevedzera nokudaro mwana nemubereki vanofanirwa kugara vatsvaga ruzivo pamusoro pechitendero chinodiwa pachikoro chavari kuda kuitira kuti mwana asazonetseka. Zvimwe zvikoro zvinongoda vana vanopinda muzvitendero zvinoitwa pachikoro ipapo sekuti vanopinda Anglican kana Dutch Reformed vanongodawo vana vakabhabhatidzwa vakadaira muchitendero ichocho.

Pane zvinodiwa kuti mwana agoratidza semucherechedzo kuti anodavira kuchitendero ichocho nokudaro kana mapepa iwayo asina kumira zvakanaka ndiyoyi nguva yacho yekuagadzirisa.

Zvakakosha zvikuru kuti tizive izvi tisati taenda kuchikoro chatinenge tichida nekuti zvimwe zvinokanganisa mwana kuchikoro ichocho kusvikira kuchikafu chaicho sekuti vamwe vanopinda zvitendero zvekuti havadyi nguruve vamwewo vanokoshesa sabata zvekuti vane mazuva avasingaite zvimwe zvinhu.

Zvakakosha zvakare kuzva kuti zvikoro izvi ndezveHurumende here kana kwete. Kana chiri chikoro cheHurumende, chinoti rerukei pamubhadharo nehunhongwanhongwa.

Zvikoro zveHurumende ndizvo zvinomhanyirwa navazhinji nekuti zvinowanzozivikanwa nekutevedzera mitemo yenyika nekudaro vana vanenge vakarerukirwa. Kune zvikoro zvinoda vasikana vega kana vakomana vega kuchitawo zvinoda vakomana navasikana vanodzidza vari pamwechete. Izvi zvakakosha kuti tizive toita sarudzo yatinoda.

Zvakakosha kuva neruzivo urwu kunyanya kuvana vachanodzidza vachigara pachikoro ipapo. Zvikoro zvinogona kusiyana zvakare pamhando chaiyo yezvidzidzo zvemaoko nekudaro zvinoda kuenda muchiziva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey