Zvinoreva Dhuterere

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Zvinoreva Dhuterere Mambo Dhuterere

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo wechitendero ari kupisa parizvino, Darlington “Mambo Dhuterere” Mutseta, anoti vatsigiri vemhanzi vanonzwa achishevedzwa kunzi Dhuterere asi vasingazive kuti zita remadunhurirwa iri akaripihwa nevanhu vaimunzwa achiimba uye rinoreva kuti ndimi dzisina tsanangudzo.

Mambo Dhuterere gore rino ndiye mumwe wevaimbi vanetsa chaizvo munyaya dzemhanzi uye nziyo dzake dzinosanganisira Dare Guru, Reurura, Mweya Ndisesekedze naChiuya Ishe.

Muimbi uyu mufundisi muchechi yeSt John Apostolic Church of the Whole World iri kunyika yeBotswana.

Akaberekerwa kuGuruve uye parizvino ari kugara kuChitungwiza.

“Kuti Dhuterere zvinoreva ndimi dzisina tsanangudzo uye zvakabva pane chimwe chimbo chandaiimba kukereke. Ndaiimba chimbo ichi zvekuti vanhu vakanakidzwa nacho zvikuru vakatanga kundidaidza kuti Dhuterere. Zita remadunhurirwa iri pekutanga ndaisarida asi ndakatozoona kuti zviri nani kuti ndiri tambire sezvo riri iro rinofarirwa nevatsigiri vangu. Zvamunoziva pakutamba kwedu kwevakomana, tinongoshevedzana tichiti anamambo nhingi saka vamwe ndivo vakazotanga kundishevedza kuti Mambo Dhuterere zita iri richitobva ratoenda mberi rikatonetsa,” anodaro.

Muimbi uyu ave nemadambarefu matatu uye gore rino dambarefu rake rechitatu rinonzi Dare Guru ndiro rakazoita kuti aite mukurumbira nevatsigiri vemhanzi.

Anoti kana munhu apihwa chipo kubva kunaMwari haafanirwe kuchigarira asi kuchitevera.

Mambo Dhuterere anoti akakurira munyika muno uye paakapedza kunyora bvunzo dzake dzeO-Level makore akadarika akabva aenda kunogara kunyika yeBotswana.  Akazotanga kuita zvemabhizimisi akasiyana-siyana ari kunze kwenyika ndokuzodzoka muZimbabwe gore rino.

“Muhupenyu, Mwari vanotipa zvipo nekudaro zvakakosha kuti titevedze zvipo izvi tizvishandise nekuti tikasazvishandisa hapana zvatinenge taita uye hapana kwatinosvika,” anodaro Mambo Dhuterere.

Share This:

Sponsored Links