Kwayedza

ZVINOREVA ‘LOCKDOWN’…Munhu wose gara pamba…Mafamasi ari kushanda…ZUPCO ndiyo iri kufamba

President Mnangagwa

Farirayi Machivenyika
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu vakazivisa kuti vanhu vachambomira kufamba-famba, vogara mudzimba kwemazuva 21 — kwemasvondo matatu azere — kutanga nemusi weMuvhuro uno (30 Kurume) sedanho rekurwisa kunyuka nekupararira kwechirwere cheCoronavirusa kana kuti Covid-19 icho chandengendesa pasi rose.

Covid-19 yabata mazana ezviuru zvavanhu ndokuuraya zvimwewo zviuru pasi rose.

Zvakaturwa naPresident Mnangagwa zvinoreva kuti vanhu vose vemuZimbabwe vachambogara mudzimba dzavo kwenguva iyi vachimira kuenda kumabasa nekune dzimwewo nzvimbo — kusara kweavo vanoita mabasa akakoshesesa — kwemazuva 21 aya.

Kusvika musi weChishanu watorwa danho iri, Zimbabwe yanga yava nevanhu vashanu vabatwa neCovid-19 — vana vacho vari vemuHarare nemumwe chete wekuVictoria Falls — uye mumwe chete wacho akafa svondo rapera pamberi.

Mushure mekuziva nezvedanho iri, veruzhinji vakaita chipatapata nemusi weMugovera neSvondo kunotenga nekuunganidza zvinhu zvavanofunga kuti vachazoda kushandisa munguva iyi zvinosanganisira chikafu nemishonga.

Pamazuva 21 ayo akatarwa naPresident Mnangagwa, mabhizimisi mazhinji achange akavharwa asi vanoita mabasa akakosha anobatsira veruzhinji, vanogadzira zvinhu zvinosanganisira chikafu nevezvitoro zvinotengesa mishonga yekurapa (mafamasi) vacharamba vachishanda.

Vanhu vachange vachienda kumabasa panguva iyi semachiremba, vanamukoti nevashandi vemapazi eHurumende akakoshesesa vachatakurwa nemabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) neePublic Service Commission (PSC).

Mamwe mabhazi, kusanganisira makombi ambomira kufamba.

Zvichange zvichiitika muchidumbu: