Zvinorovesa hana . . . Vana vechikoro vamitiswa, varoodzwa vawanda

21 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Zvinorovesa hana . . . Vana vechikoro vamitiswa, varoodzwa vawanda VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Nqobile Tshili

VANA vechikoro vanosvika 14 600 – kusanganisira vasikana 238 vepuraimari – vakasiira chikoro panzira gore rapera nekuda kwekuitiswa mimba kana kuroodzwa.

Kumbovharwa kwezvikoro kwenguva refu nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakakonzerawo kuwedzera kwenyaya dzekusiira chikoro panzira kwevana.

Mugwaro, zvinotaridza zvekare kuti vadzidzi 69 660 – vakomana nevasikana – vakasiira chikoro panzira gore rapera, hunove huwandu hwakanyanya kukwira mukati memakore mana.

Pavadzidzi ava, 50 744 vaive vekusekondari apo 18 916 vari vekupuraimari.

Muna2017, nyika yakave nevadzidzi vakawandisa vakasiira chikoro panzira vanove 70 608.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakaburitsa izvi mugwaro raro re2021 riri pamusoro pemamiriro ezvedzidzo.

Rinoti kukwira kuri kuita nyaya dzekusiira chikoro panzira kwevana kwakanyanya kukonzerwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Zvimwe zvezvikonzero zvakapa kuti vadzidzi vasiire chikoro panzira zvinosanganisira matambudziko emari, kushandiswa kwevana mumabasa emudzimba, hurwere nezvimwe zvinodiwa nevadzidzi vakaremara.

Gwaro iri rinoratidza kuti vanasikana 8 063 vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuroorwa apo vakomana 633 vakasiya chikoro nezvikonzero zvakafanana.

“Muna2021, vakasiira chikoro panzira vakaramba vari pa0,53 percent. Huwandu hwevanosiya zvikoro zvesekondari hwakadzikirawo pagore kubva pa3,99% muna2017 kusvika pa3,09% muna2019,” rinodaro gwaro iri.

“Kubva ipapo, chikamu chakawedzera kusvika pa3,28 percent muna2020 uye 4,67 percent muna2021.”

Gwaro iri rinoratidza kuti pakati pa2017 na2021, vanakomana ndivo vaive vakawanda vakasiya chikoro kupuraimari apo ruzhinji rwevakasiira chikoro panzira kusekondari vaive vanasikana.

Muhurukuro, mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro vanoti gwaro iri rinopa umboo hwemamiriro akaita nyaya yedzidzo munyika.

Vanoti kuwanda kwenyaya dzevanasikana vari kupihwa pamuviri pamwe nekuroodzwa vachiri pachikoro kunokatyamadza uye zvinoratidza mamwe matambudziko ari kusangana neveruzhinji munharaunda dzakasiyana.

Pasi pemutemo wenyika, imhosva kuroodza kana kuroora munhu ari pasi pemakore 18 okuberekwa.

“Huwandu hwevana vakaroodzwa nevakapihwa pamuviri hunorovesa hana uye zvinoratidza kukanganiswa kwaitwa chikamu chezvedzidzo nechirwere cheCovid-19. Kunyangwe zvazvo dzimwe nyaya dzevakapihwa pamuviri dzakazobuda muna2021, dzimwe dzacho dzinogona kunge dzakaitika muna2020 apo vadzidzi vaive vagere kudzimba kwemwedzi mitanhatu vasingaende kuchikoro nekuda kwechirongwa chelockdown (chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro VaNdoro.

Zvisinei, vanoti chinofadza ndechekuti vamwe vevanasikana vakapihwa pamuviri vakadzokera kuchikoro sezvinodiwa nemutemo wenyika.

Pasi pemutemo weEducation Amendment Act, vanasikana vanenge vapihwa pamuviri vane kodzero yekuramba vachienderera mberi nedzidzo yavo uye kutsigirwa zvakakwana kuti fundo yavo iendeke.

“Tine vanasikana vane chitsama vakadzokera kuchikoro, vamwe mushure mekunge vabara. Zvisinei, nyaya yacho yakasiyana neavo vanenge varoodzwa nekuti varume vavo havazi kuvatendera kuti varambe vachienderera mberi nedzidzo yavo,” vanodaro VaNdoro.

“Tinogaroita misangano nenharaunda dzakasiyana tichivakurudzira kuti vabvumidze vanasikana kuenderera mberi nefundo yavo zvisinei nekuti vanenge vapihwa pamuviri.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey