Zvinosangana nagadhi wechikadzi pabasa

24 Mar, 2023 - 08:03 0 Views
Zvinosangana nagadhi wechikadzi pabasa Jesmine Mangere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BASA rekuchengetedza zvinhu mumakambani kare raisishorwa zvakanyanya richitorwa serinoitwa nevanhu vakwegura, vasina kudzidza kana kuti vaye vashaisisa mabasa avanenge vachida.

Vamwe vanotopa mazita emadunhurirwa kuvanhu vanoita basa rekurinda sekuti “mahobho” nemamwe ane zvituko, asi kune vazhinji vari kuriritira mhuri dzavo zvichibva mumabasa iwaya.

Kwayedza inoita hurukuro nemumwe mudzimai – Jesmine Tinotenda Mangere (32) – uyo ari mubasa iri uye “akatodyawo mabhii”.

Mangere akaberekerwa kuWatsomba, kwaMutasa, mudunhu reManicaland, uye akafunda paSheni Primary School neDangamvura High School kubvira Form 1 kusvika 4.

“Ndakazoita zvidzidzo zvangu zveA-Level paNyakatsapa High School, kwaMutasa kunova ndiko kumusha kwangu. Ndichikura ndaive neshuviro yekuzova murapi kana kuti mubiki mumahotera nekuti ndiri munhu ane rudo uye anofarira kubika. Asi nekuoma kwezvinhu, zviroto zvangu zvakashaya dudziro izvo zvakazoona ndava kungoti chamuka inyama, ndichibva ndapinda mubasa irori randiri rekuchengetedza makambani saSecurity Practioner iro raimbodaidzwa kuti security guard.

“Izvi hazvirevi hazvo kuti zvishuviro zvangu ndakatorasa nekuti mikana ichiripo yekuti kana ndikawana basa rehurapi, ndinokwanisa zvekare kunopinda nekuti njere dzirimo uye chikoro ndinorova zvebasa,” anodaro.

Mangere akabuda nezvidzidzo zvitanhatu zvaakapasa paO-Level akazoita A-Level, ndokuzopfuurira mberi nekuita zvidzidzo zveNurse Aid neProfessional Cookery.

Jesmine Mangere ari pabasa pake kuRainbow Towers

Kwayedza payakashanyira mudzimai uyu pabasa pake paRainbow Towers Hotel, muHarare, airatidza kuva munhu akasununguka, anofarira basa rake apo aigamuchira vayenzi vaisvikapo nemufaro uye chirungu “ndipo pamusha pacho” apo anodaira nhare dzinobva kuvanhu nematauro yakasiyana.

Zvinongoratidza kuti munhu akadzidzira basa rake uye ane chido naro.

“Ndakazopinzwa basa rekuchengetedza ndakadzidziswa kwemazuva matatu nekuti ndainge ndambotanga kupinda basa pakambani imwe chete iyi ndiri mushandi wepamberi pahofisi yevakuru (receptionist). Kudzidziswa kwatakaitwa, kwaisava nyore semunhukadzi nekuti unenge uchingodzidziswa zvimwe chete nezvinoitwa varume pasina rusarura.

“Kufundiswa kunoitwa vanhu mabasa ehurindi hakuna kumbosiyana nekuya kunoitwa mauto nekuti kana pfuti unotopakata kuti ukwanise kurwisana nemuvengi,” anodaro.

Mangere akamboshanda semurapi (nurse aide) pachipatara chekwaMutare akawaniswa zvitupa zvekutendwa nechipatara ichi.

“Ndakazonoshanda paLegion Grill Club and Restaurant, maMutare mekare sachef, waitress uye receptionist.

“Yambiro yandinopa kumadzimai ndeyekuti musaitiswe zvinhu zvisina basa nevarume kana vakomana nekuti munhu anokumitisa okusiya. Basa rose rinoitwa zviri pamutemo uchiwana muhoro wako, ungava mushoma asi uchigutsikana kuti hausi kuita zvinhu zvinosungisa. Basa rakakosha uye ngarishandwe.

“Usatya kusekwa nebasa raunoita nekuti chakakosha ndechekuti mhuri yako iri kudya ichiguta here.

“Iwe munhukadzi usararame nekutengesa muviri nekuti kana ukazofa vana vako vanosara vachitengesa chii nekuti mutumbi waiunza mari unenge usisipo? Apa tava kuverenga mumapepanhau kuti vamwe vakadzi vava kuzvara vana vachitengesa kuti vaite mari, handiti ndiko kupererwa ikoko?

“Saka rangu basa raipei rekuti unoshanda zvako vana vagere zvakanaka?” anodaro.

Mangere anoti mari yake haiuye yakanyorwa kunzi “mahobho”, asi kuti yakangofanana neinotambirwa nevashandi vose munyika.

“Mabasa atinoita akakosha zvikuru zvisinei nekuti hamusati mambonzwa kuti kunana‘mahobho’ varamwa mabasa. Hazvirevi kuti zvinhu zvose zvinenge zvakatinakira, kwete. Tiri vanhu vanokoshesa basa ravo uye tichitarisirawo kuti vatinoshandira vashandise njere dzavo mukutiwedzera mihoro kunyangwe tisina kuratidzira nekuti kuratidzira kunodzikisira zita rekambani yorasikirwa nemari zhinji.

“Tinongotiwo panowedzerwawo vashandi vemuHurumende mihoro uye pavanopihwawo minda nezvimwe, vatinoshandira vanotionawo nekuti hatisi kukotsira pabasa. Kukotsira pabasa kwagadhi kunoreva kuparara kwemabasa evazhinji nekuti zvinhu zvakakosha zvichabiwa vanhu votadza kushanda zvakanaka,” anodaro.

Mangere anoti vachengetedzi vemakambani ndivo vanoziva zvose zvinoitika kudarika varidzi vekambani yacho nokudaro vanofanira kuva nehana uye mweya wekushanda nechido uye nesimba.

“Murindi wekambani anogona kuita kuti kambani idonhe kuburikidza nekukudzingirai makasitoma nekuti ndiye anenge ari kumusuwo kunosvikira vanhu, saka anofanirwa kubatwa zvakanaka, kupfekedzwa zvakanaka uye kuva akafunda kuti akwanise kushandisawo mitauro yakati wandei inogamuchirika,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>