Zvinowira vatambi

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MUMABHUKU ese enganonyorwa munoburitswa matambudziko achiwira vatambi. Nzira dzinoburitswa ndidzo dzinosiyana asi matambudziko anonyanya kuonekwa mumabhuku akafanana nekurohwa, kutukwa, kushaya mbereko, urwere, nzara, hondo nemamwewo.

Mamwe ematambudziko anowira vatambi vari muna Manyambiri anosanganisira;

Kushaiwa mbereko. Izvi tinozviona kuna Rufuse naNdakasemwa vanonzi vakanga vaita makore mazhinji kwazvo vachishaiwa mbereko kudzimara vazoiwana ndokuzvara mapatya. Nduramo naPaido vakatora nguva refu kwazvo vasati vawana mbereko zvinoita kuti Paido afunge kudzokera kumusha kwavo.

Vatambi vanowirwa nematambudziko ekushaiwa mbereko. Tinozviona kuna Ndakasemwa paanonetsana naShayamano pamwe chete naNyadziso. Vaviri ava vanotanga kumukutsanira vachimurova zvikuru kusvika azorandutsirwa naRufuse.

Vatambi vanosangana nematambudziko eurwere. Mambo Njeremavhu naNduramo vanorwadziwa nemudumbu zvikuru pavanopihwa chikafu chainge chakarungwa muchetura naPaida zuva ravanoshanya kumusha kwaRufuse.

Vatambi vanosangana nematambudziko ekupomerwa. Tinozviona kuna Ndakasemwa uyo aigara akapomerwa naShayamano naNyadziso kuti pamusha pavo pakawana mwana arwara chero nedzihwa chairo ndiye ainzi muroyi.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links