Zvinoyera patsika dzavatema

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

MWEDZI waMbudzi une zvakawanda zvinoitika. Mwedzi uno unozivikanwa nekurangarirwa nevazhinji nekuda kwezvaunotakura.

Muna Mbudzi ndimo munonaya munhuruka uyo unoita kuti vanhu vatange kurima nekudyara mbesa. Ndiwo mwedzi zvakare unowanda mbudzi. Mumwedzi iwoyu ndimo mune zvinoera zvakawanda.

Pane mazwi atinoda kiti tibate tigoziva musiyano wawo. Chinhu chinoera chinhu chisingatambwi nacho kana chokuti ukapikisana nacho unosangana nematambudziko.

Zvinhu zvairambidzwa mumwedzi waMbudzi zvaiera zvechokwadi. Izvi zvaidaro nekuti mwedzi uyu wainzi ndewesabata ravaShona. Nanhasi munaMbudzi hamurohwe makuva.  Itsika yavaShona yekuti kana munhu achinge ashaya, anoitirwa mutambo mukuru apo vanhu vanorara vachinwa doro vachikumbira kumidzimu yavo kuti mushakabvu anenge ari kunze kwemusha adzoke mumusha kuzochengeta mhuri yaakasiya achiidzivirira kubva kumhepo dzakaipa. Izvi zvinonzi hazvifanirwi kuitwa mumwedzi uyu, kana zvakaitwa mhuri iyoyo inenge yazvipeurira mhepo yakaipa.

Mumwedzi waMbudzi munhu haabvumirwe kuroora mukadzi kana kutizisisa mukadzi.

 Naivowo vakadzi vanotozviziva kuti havafanirwi kutizira. Unotoshivirira kana zvichinge zvanangana newe dzamara mwedzi iwoyo wapfuura nokuti ukaita nharo kwaunoeda unongonodzorwa nekuti hakuna vanoda kuigirwa jambwa mumisha.

Chimwezve chinoereswa navaShona panguva iyi ndechekuti hakupirwi midzimu.  Kupira midzimu panguva iyi kunenge kuri kushora vari pasi. 

Chero nanhasi zvichiri kutevedzerwa.  Hongu hatirambi kuti tsika dzedu dzoeredzwa nezvakauya zvechiRungu asi nyaya yekuera kwemwedzi waMbudzi haisi yekubata zinyekenyeke. Zvinosiyana nezvieraera izvo zvinongovapo kudzivisa vanhu kunyanya vana kuti vasapinde mumadzudzo kana munataisireva.

Share This:

Sponsored Links