Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti yakazvipira kusimudzira kuwaniswa kweutano hwakanaka kune veruzhinji kuburikidza nechirongwa chekushandiswa kweindaneti muzvipatara nemakiriniki, kusanganisira kumaruwa, cheImpilo Electronic Health Records (HER) icho chave kutekeshera nenyika.
Vachitaura pamusangano weImpilo Digital Health Indaba muguta reHarare nguva pfupi yadarika, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — Dr Douglas Mombeshora — vanoti chirongwa ichi chine chinangwa chekuvandudza nyaya dzeutano muzvipatara munyika kuti zvifambirane nedzimwe nyika dzakabudirira.
“Kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, Hurumende iri kuparura chirongwa cheImpilo, cheElectronic Health Records (EHR) icho chakanangana nekusimudzira mashandiro mubazi rezveutano nekusimudzira kuunganidzwa kwezvinyorwa zviri maringe nekurapwa kwevarwere, kutungamira uye kuchengetedzwa kwemagwaro evarwere nekuti pave zvekare nenhauriraro pakati pevarapi nevarwere pasina kudhurirwa nekushanyira zvipatara,” vanodaro.
Vanoti Hurumende, kuburikidza nesangano reZimbabwe Technical Assistance Training & Education Centre for Health (Zim – TTECH), iri mushishi kuisa masai-sai muzvipatara nemakiriniki kuitira kuti vanamukoti vagare vaine masai-sai eindaneti akavimbika.
“Hatichina dambudziko rekusvibiswa kwenharaunda nekuda kwemapepa kana kuzara kuya kwaiita mahofisi evarapi nemagwaro evarwere nekuti zvinhu zvese zvava kuiswa mumaTablets ayo takapa kuvarapi vedu. Ivowo varwere vava kushandisawo nharembozha dzavo mukukurukura nevarapi kureva kuti zvipatara zvedu hazvichazari nevanhu vanongouya kuzobvuza chete. Ruzivo rweindaneti urwu rwuripo bedzi mukurerutsa maitirwo ebasa tichifambarina neraramo yanhasi,” vanodaro Dr Mombeshora.
Gurukota rinoona nezvemichina yekufambiswa kwemashoko, posvo nenhar, Dr Tatenda Mavetera, vanoti bazi ravo rakazvipira kubatsira veruzhinji muZimbabwe.
“Ndinofara kuti senyika tiri kufarira kushandisa ruzivo rweindaneti nekuti rwunorerutsa basa, zvikuru sei munyaya dzezveutano. Mutungamuiriri wenyika, President Mnangagwa, vanogara vachitaura kuti senyika tinofanira kufambirana nenguva munyaya dzekushandiswa kweindaneti kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro inoendeka yeVision 2030,” vanodaro.
Gurukota redzidzo yepamusoro, hunyanzvi, sayenzi nebudiriro — Ambassador Frederick Shava — vanoti veruzhinji havafaniri kutyira kure mukushandiswa kweruzivo rweindaneti uye kuvandudzwa kwarwo sezvo zvichibatsira kuti mabasa aite nyore muzvikoro nemuzvipatara kana mumapazi ese eHurumende.
“Donzvo redu nderekusimudzira vashandi vane hunyanzvi uye ruzivo kuburikidza nedzidzo yepamusoro nekuvandudzwa kwemichina zvinova zvatiri kusimbaradza mudzidzo yeEducation 5.0. Zvipatara nezvikoro zvakakosha kuti zvitungamire munyaya dzeruzivo nekuti zvinobatsira kuti tive neramangwana rakajeka. Varapi nevadzidzi vanorerukirwa nebasa, zvikuru sei kana vachishandisa ruzivo rweArtificial Intelligency (AI) nenzira ine huchengeri mubasa ravo. Vanokwanisa kuita mabhindauko eongororo vachitobuda nehunyanzvi hunosimudzira nyika izvo zvinobatsira zvekare kuti tisangopona nedzimwe nyika mukurapwa kwezvimwe zvirwere zvakakomba,” vanodaro.