Zvipfuyo, nyama zvekuSA zvamiswa

21 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Zvipfuyo, nyama zvekuSA zvamiswa Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa rinozivisa veruzhinji kuti kupinzwa kwemhuka dzose dzine mahwanda kana zvinhu zvinogadzirwa kubva mumhuka idzi nezvipfuyo kubva kunyika yeSouth Africa kwambomiswa.

Izvi zvinotevera kunyuka kwechirwere chemahwanda (food and mouth disease) kunyika yeSouth Africa.
Chirwere ichi chinonzi chakaonekwa kumatunhu nemuminda yeveruzhinji iri kuFree State, KwaZuIu-Natal, Limpopo, North West neGauteng kuSouth Africa.

Chirwere chemahwanda chiri nyore kutapuriranwa kubva mune rimwe dunhu kuenda mune rimwe kana kutoenda kune dzimwe nyika kuburikidza nekufamba kunoita zvipfuyo, mhuka kana zvinhu zvinogadzirwa kubva muzvipfuyo zvinenge zviine chirwere ichi.

Mhuka dzine mahwanda ndidzo dzinonyanya kubatwa nechirwere ichi semombe, nyati, mbudzi, hwai nedzimwe saka kana vanhu vakadya nyama yadzo vanogona kurwara uye chirwere chinoramba chichitekeshera.

Zvichitevera kunyuka kwechirwere ichi kuSouth Africa, Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedze zvinodiwa kuitira kuti chisatekeshere nenyika. Mhuka, zvipfuyo kana zvinhu zvinogadzirwa kubva mumhuka idzi hazvisi kutenderwa kupinda muZimbabwe.

“Chirwere ichi chiri kushungurudza vagari vemuSouth Africa saka imhosva huru kuti vanhu vatyore mitemo apo kuine matanho ari kutorwa neHurumende mukuchidzivirira kuti chisapinde munyika muno, zvikuru kumiganhu yenyika yeLimpopo,” vanodaro Dr Anxious Masuka vanova gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa.

Vanoti kunyuka kwechirwere chemahwanda uku kunokanganisa nyaya dzekutengeserana pakati penyika uyewo zvichideredza zvekare budiriro yeupfumi hwenyika, kunyanya varimi vezvipfuyo.

“Kana tichinge takatarisana nedambudziko rakadai, tinoshanda tichifambirana nemutemo unoona nezvemhuka neutano weAnimal Health Act [Chapter 19:01].

“Nokudaro, magwaro aimbobvumidza kufambiswa kwemhuka nezvigadzirwa zvinobva mumhuka dzine mahwanda anombomiswa, kusanganisira anga asati ashanda,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti bazi ravo richaramba richicherechedza mamiriro ezvinhu pamusoro pechirwere ichi kuburikidza neDepartment of Veterinary Services (DVS) uye veruzhinji vachaziviswa kana pachinge pava neshanduko.

Vangada kunzwa zvizere maringe nezvechirwere chemahwanda ichi vanokwanisa kuchaya nhare kuDepartment of Veterinary Services dzinoti: +263 242 791 516, Mobile: 0712 608 397 kana mahofisi ebazi iri ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links