Uncategorized

Zvirango ngazvibviswe: Ziliwaco

07 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Zvirango ngazvibviswe: Ziliwaco

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vanamujibha nanachimbwido avo vakabatsira muhondo yekurwira rusununguko rwenyika ino, reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (Ziliwaco), riri kukurudzira kubviswa kwezvirango zveupfumi sezvo zviri kudzosera kumashure budiriro yenyika.

Nyika dziri mudunhu reSadc dzakasarudza musi wa25 Gumiguru kuti rive zuva rekubatana kutaura nezwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumavirira zvibviswe.
Cde Shain Chakanyuka, vanova munyori mukuru weZiliwaco, vanoti zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa.

“Zimbabwe yatemerwa zvirango zveupfumi kwenguva inodarika makore makumi maviri nedzimwe nyika dzemhiri. Izvi zvakaitwa pasina mhosva yatinayo senyika saka tinoda kuti zvibviswe nhasi chaiye.
“Zvirango izvi zvakanganisa upfumi hwenyika kusvika pekugumisira, vana vedu vari kutambura havana mabasa, pakati pemamwe matambudziko,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoti zvirango izvi zviri kudzosera kumashure budiriro munyika muno kubvira kuvanhu vakazvimirira, makambani, zvikoro uye neHurumende pachezvayo.

“Nyika yarwadziwa nezvirango zvatakatemerwa izvi pasina chikonzero. Mabasa munyika hamusisina nekuti makambani ari kuvhara vamwe vachiburitswa vachiita marovha, mudzimba chaimo imhirizhonga vanhu vanogara vachirwisana nekuda kwezvirango izvi nekudaro dzimba dziri kuparara vanhu vachirambana nekuda kwenhamo asi hapana mhosva yatakapara senyika isu,” vanodaro.
Cde Chakanyuka vanoti vamwe vadzidzi vari kutadza kuenderera mberi nechikoro mushure mekunge vabereki vashaya mari nekuda kwekuomerwa neupenyu zvichikonzerwa nezvirango izvi.

“Vamwe vana vari kutadza kupedzisa chikoro vogara kudzimba, vamwewo vanenge vapedza vari kushaya mabasa muno nekuvhara kwemakambani. Vashaya mabasa kudaro uye vatadza kuenda kuzvikoro, vanoguma vave kuita zvinhu zvisakarurama.

“Mimwe migodhi yedu yezvicherwa iri kuvhara nekuda kwezvirango izvi,” vanodaro Cde Chakanyuka.
Vanoti zvirango izvi zviri kutadzisa zvakare Zimbabwe kuti itengeserane nedzimwe nyika yakasununguka izvo zvinokanganisa nyaya dzekudyidzana nepasi rose.

“Mabasa chaiwo ekurima ari kuvhiringidzwa zvakare nezvirango izvi. Kudai pasina kuti Hurumende iri kubatsira vanhu kuburikidza nezvirongwa zvinosanganisira chePfumvudza, pangadai pasina zvinofamba. Tinoti isu seZiliwaco, zvirango izvi ngazviende hatidi kuzviona munyika yedu zvarwadzisa vanhu vasina mhosva.”

Vanoti zvirango izvi ndizvo zvakare zviri kukonzera kuti zvizvarwa zvemuZimbabwe zvakadzidzira mabasa zviende kune dzimwe nyika uko vamwe vacho vanonoita mabasa asina kuti tsvetere.

Share This:

Sponsored Links