Zviratidzo zvetungundu

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zviratidzo zvetungundu Zviratidzo zvetungundu muvanhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE chetungundu (anthrax) chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa pachirungu kunzi Bacillus Anthracis uye chinobata zvipfuyo, vanhu nemhuka, kusanganisira dzesango kusiya kwehuku bedzi.

Chinouraya mhuka nenguva diki-diki. Utachiona hunopinda mumuviri pakudya, kubata kana kunwa mvura hwopararira nemuviri wose.

Zviratidzo zvetungundu mumhuka

Utachiona hwetungundu hunorarama kwenguva refu kana huri muvhu uye hauparadzwe nemoto.

Tungundu inobata zvipfuyo zvinosanganisira mombe, hwai, mbudzi, mabhiza, madhongi, nguruve, imbwa nemhuka dzesango nedzinozeya dzakaita sebimha, mhara, nhoro, nzou, mvuu, nyati uye shumba, mapere kana makava.

Shiri hadzibatwe netungundu asi dzinobatsira mukupararira kwacho apo dzinotakura nyama yacho dzichiendesa kunzvimbo dzakasiyana. Tungundu inowanikwa nguva dzose dzegore asi mombe dzinonyanya kufa munguva yekunaya kwemvura yekutanga kana panguva iyo mvura inenge ichinetsa kuwana.

Kupararira kwetungundu kune chekuita nemamiriro ekunze zvakaita sekuti kana mvura yakawanda ikanaya, mafashamu uye nguva yenzara apo mvura inenge yava kusangana nemadhaka.

Munzvimbo dzinonyanya kuwanikwa tungundu uye kufura kunoita zvipfuyo panguva iyo mafuro anenge achangotanga kumera kana kuti mvura ichangobva mukunaya sezvo mafuro anenge asangana nevhu rinova rine utachiona. Zvipfuyo zvinofa nechirwere ichi zvinodzinina ropa rinenge rizere neutachiona uho hunozotorwa nemakunguwo, magora, mapere kana nhunzi huchipararira.

Nzvimbo dzinofira zvipfuyo zvinenge zviine tungundu dzinoramba dziine utachiona muvhu saka panozonaya mvura utachiona huya hunopararira apo zvipfuyo zvinofura. Vanhu vanodya nyama yemhuka dzinenge dziine utachiona uhwu vanorwara kana kufa.

Zviratidzo zvetungundu:

Zviratidzo zvinotora nguva pfupi-pfupi asi kumhuka dzinozeya zvinogona kusaonekwa.

l Zvipfuyo kana mhuka dzesango izvo zvairatidza kuva neutano hwakanaka zvinongoerekana zvangoonekwa zvakafa zvichiita kunge zvarumwa nenyoka kana kurohwa nemheni.

l Kana isati yafa, mhuka inokundikana kufema, kudedera kana kubvunda.

l Kutadza kufura

l Kufa pakarepo

l Kubuda ropa kubva munhengo dzese dzomuviri dzakashama

l Munguruve, mabhiza, imbwa uye kuvanhu, chirwere ichi chinokonzera mapundu ane utachiona, muganda, muhuro kana mumusoro.

Zvii zvingaonekwa pamhuka yafa?

l Ropa rakasviba seruvara rwetara uye risingagwambw richibuda mumhuno, mukanwa nekunobuda nendove.

l Kukasika kuora kwemutumbi.

l Mitezo haiomarare sezvinoitika kana mhuka yafa.

l Pane inenge yavhiiwa, rwatata rwunenge rwakazvimba rwakazara ropa rakasviba setara.

Ongororo inoitwa sei?

Mitumbi haifanire kuvhurwa nokuti inenge iine njodzi kuvanhu mukupararira kweutachiona.

Vaongorori vanogona kutora ropa serepanzeve voisa mubhodhoro roendeswa kumarabhoritari kunovhenekwa.

Marapirwo:

Masvikiro anoita chirwere ichi kazhinji ndeekuti mombe dzinongofa zvisina tsarukano saka izvi zvinoita kuti dzisarapike.

Dzinokurumidzirwa dzingarapika nemazano emachiremba anoona nezvemhuka.

Dziviriro:

Tungundu chirwere chiri nyore kudzivirira zvisinei nekuti kune dzimwe nzvimbo dzinozivikanwa kuti dzine utachiona.

Zvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi, hwai nenguruve dzinofanira kubaiwa majekiseni gore negore kuti zvigare zvakadzivirirwa.

Panenge paziviswa kuti chirwere chaitika, vanachiremba vemhuka vanofanira kuziviswa nenguva kuti vashandise mazano ekucherera utachiona pasi kuitira nguva inotevera.

Zvekare, kana zvadai vanachiremba veHurumende vanombovhara zvibairo nemasiraha kuitira kuti utano hwevanhu huchengetedzwe kusvikira dambudziko iri razopera uye zvimwe zvipfuyo zvinobaiwa majekiseni ekudzivirira.

 

Share This:

Sponsored Links