Zviri kudiwa naCoventry

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Zviri kudiwa naCoventry Kirsty Coventry

Kwayedza

Abel Ndooka

GURUKOTA rebazi revechidiki, mitambo nekutandara – Kirsty Coventry – anoti basa raakapihwa muHurumende iguru chaizvo uye chinangwa chake chikuru ndechekuti pave nebudiriro mumitambo yakasiyana nedonzvo rekusimudzira mureza weZimbabwe pasi rose.

Coventry – uyo anozivikanwa ari shasha yekutuhwina uye akahwina mibairo yakawanda kumaOlympics – anoti anofara nechiremerera chaakapihwa chekuve gurukota reHurumende. Muhurukuro neKwayedza svondo rapera,  Coventry anoti anoda kuona vatambi vemitambo yakasiyana uye zvikwata zvemuno zvichihwina kwete kuenda kumitambo mikuru yakaita semaOlympics kunoperekedza vamwe chete.

“Chinhu chandinoda kuunza uye nekushandura kusimudzira vatambi vedu vemitambo yakasiyana, kunyanya vechidiki vari kusimukira vazive kuti pese pavanopinda mumitambo yakaita semaOlympics vaende kunohwina kwete kungoperekedza vamwe vachidzoka vasina chavakabata.

“Saka zvichatora kushanda nesimba chaizvo uye tichiziva zvatinoda nekuzvipira mumitambo yacho yatinoda kuti tihwine. Chatinoda chaizvo chikuru kusimudzira mureza wenyika yedu kumitambo yakasiyana saka zvinoda kuti tishande nesimba,” anodaro Coventry.

Anoenderera mberi achiti iye zvino ari kuita hurukuro nemasangano akasiyana emuno neepasi rose pamusoro penyaya yekuti vobatsirana sei kusimudzira mitambo yeZimbabwe.

“Chikuru kwandiri ndevechidiki vane zvavanoshuvira, saka tinofanirwa kuvabatsira kuti zvese zvavanoshuvira zvigozadzikiswa. Kusimudzira mureza wenyika yedu mumitambo mikuru yepasi rese imwe nzira yekuvabatsira nayo saka nechikwata chandinacho chine mukurumbira mune zvemitambo pasi rese uye nevemuno, ticharonga gwara rekufamba naro iro tinofunga kuti richatibatsira kusimudzira mitambo yedu muno uye  kana tarigadzira tichakuzivisai.

“Tinoda kuunza mufaro mumitambo yedu yose,” anodaro.

Coventry anotiwo bazi rake rino hurongwa hwekuita hurukuro nemasangano emitambo mikuru emuno ayo akatarisana nematambudziko akasiyana anosanganisira enhabvu, cricket nerugby nedonzvo rekugadzirisa zviri kunetsa.

Anoti vakatonyorera kumasangano aya kuti vanzwisise chaizvo zviri kunetsa kuitira kuti zvigadziriswe.

“Zvese tiri kuzviziva, takavanyorera matsamba kuti tizive zviri kuitika uye chikuru kuti zvavari kuita ngavazive kuti vatambi ndivo vakakosha kudarika zvimwe zvese uye masangano aya zvese zvavachaita ngazvive zvichabatsira vatambi chete. Iye zvino yave nguva yebasa kwete kungotaura chete,” anodaro Coventry.

 

Share This:

Sponsored Links