Zviri mugapu: Dzikisa sadza nederere

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Zviri mugapu: Dzikisa sadza nederere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

USAVI hwederere rechipudzi kudya kwechivanhu kunovaka muviri uye hakudi zvakawanda pakubika zvekare kunofarirwa nemazera ose — kana dai nevaya vasisina mazino.

Svondo rino Mbuya Marujata Kambizi vekuMacheke vanotsanangura mamwe mabikirwo ederere.

Zvinodiwa:
Derere rechipudzi, munyu, mhiripiri, mutyora kana soda, mvura, chikari kana poto.

Mabikiro:
Cheka-cheka derere kuita zvidimbu zvakafanira.
Chitora chikari kana poto yakachena wodira komichi imwe chete yemvura wogadza pamoto.
Siya mvura ifashaire wozokanda mutyora kana soda. Kanda derere rawacheka-cheka muchikari.
Bika kwemanitsi gumi wozokanda munyu.
Pota uchikurunga-kurunga uye usasiye richitutumira pasi.
Kana richinge raibva, derere rinosara rakakora asi riine ruvara rwegreen.
Usasiye richisvika pakusanduka ruvara kuita brown, kana zvikadaro unenge watotadza kuribika.

Wozodii?
Kana zvadai, chibura unakirwe uye unogona kuisa mhiripiri kana uchiifarira. Derere rinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana remhunga. Vamwe vanongoita zvekurinwa rakadaro.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey