ZVIRI MUGAPU . . . Kubika mazondo emombe

14 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
ZVIRI MUGAPU . . . Kubika mazondo emombe Mazondo

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

MAZONDO kudya kunovaka muviri sezvo tichiwana mapuroteni kubva maari.

Mai Ropafadzo Mazhambe vekuGokwe vanodonongodza mamwe mabikirwo emhando yepamusoro emazondo.

Zvinodiwa:

Chikari kana poto, chipunu, mazondo akaparwa nekuchekwa zvakanaka, mvura nemunyu

Mabikirwo:

Tora mazondo wosuka nemvura inopisa kuti anyatsochena, wogadza chikari kana poto pamoto.

Isa mvura yakawanda woisa mazondo ose imomo. Chikwidibira zvimbokwata kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura nekupindura kuti zvisatsve.

Mazondo nesadza

Kana ava kubva mabhonzo, anenge aibva zvakanaka nekudaro chiisa munyu wakafanira wozobura usavi hwako.

Usaise mafuta, sezvo mazondo agara aine mafuta awo nakare.

Munogona kudya nesadza rezviyo kana nemupunga mutsvuku uya unorimwa mumatoro.

Usavi uhu hunosimbisa mapfupa mumuviri uye muviri wako hauite nyore kubatwa nezvirwere.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753 kana kuti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links