ZVIRI MUGAPU: Kubika nhopi yemashamba ine dovi

24 Mar, 2023 - 08:03 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Kubika nhopi yemashamba ine dovi Nhopi yemashamba ine dovi

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

NHOPI yemashamba kudya kwepasichigare kunovaka muviri.

Tonderai Mhlanga wekuGweru anotipakurira hunyanzvi hwake hwemamwe mabikirwo enhopi.

Zvinodiwa:

Manhanga emashamba, tsambakodzi, dovi,

mugoti kana musika, mvura yakachena, tsvigiri (shuga) nehupfu

Mabikiro:

Tsetsa shamba rimwe chete hombe, cheka-cheka ubvise mhodzi worigeza, woisa mutsambakodzi.

Isa mvura shoma ufashaidze kusvika zvaibva.

Isa hupfu hushoma uchimona, isa zvipunu zvina zvedovi, woramba uchimona nemugoti kana musika.

Kanda tushuga kana munyu.

Mona uchisiya zvichishinyira kuti zviibve.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura udye nenhuri.

Unodya uchinwa nemvura, mahewu kana svutugadzike.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti: + 263 773 394 753 kana kuti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey