ZVIRI MUGAPU: Kugadzira ‘ice cream’

09 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Kugadzira ‘ice cream’ Ice Cream

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SVONDO rino tiri kufundiswa magadzirirwo anoitwa ice cream naWadzanayi Chitiga wemuHarare.

Ice cream kudya kunofarirwa nevana, vanhu vakuru kana vakwegura chaivo nokudaro ndekwemazera ose.

Ice cream inowanza kudyiwa mushure mekupedza kudya chimwe chikafu chakadai sesadza kana mupunga iri nzira yekuseredzera.

Vamwe vanongoida misi yose mangwanani, masikati kana manheru nekuti haigutisi asi inovaraidza ichipa simba nekunyautsa mukanwa.

Zvinodiwa:

Komichi imwe chete yefinowhip, komichi yemukaka, komichi yeicing shuga nemazai mana.

Ice Cream

Magadzirirwo:

Pwanya mazai pakutanga, wosarura machena woisa parutivi.

Tora mazai eyero woisa parutivi.

Chitora mazai machena aya usanganise neicing shuga.

Chitora mazai eyero womasanganisa nemukaka mumbishi.

Chisanganisa mazai machena neeyero aya.

Sanganisa zvose woisa essence yemhando yaunoda.

Izvi zvinota kuti ubudise marita 1,5 eice cream

Isa mufiriji itonhore kusvika yaita magodo echando

Kana zvadai wasununguka kuti uchidya ice cream nemhuri kana kutengesa uchizviwanira mari.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 773394753 kana +263 713411281

. Makasununguka kutumira mavhidhiyo ezvamunobika.

Onai Zvimwe pa: www.kwayedza.co.zw

Share This:

Sponsored Links