Zviri mugapu: Kukaringa muriwo wekabichi

11 Feb, 2021 - 10:02 0 Views
Zviri mugapu: Kukaringa muriwo wekabichi Muriwo wekabichi

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

MUMURIWO wemakabichi tinowana Vitamin C, mapuroteni nekudzivirira nyaya dzekufufutirwa mudumbu. 

Svondo rino Simon Muchini wekuMasvingo anotitsanangurira mamwe mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Kabichi, matomatisi, hanyanisi, mafuta, pani nechipunu.

Mabikiro:

Chekerera kabichi kuita zvidimbu zvidiki.

Chekerera hanyanisi ukange nemafuta mashoma.

Isa matomatisi akachekwa usanganise, ugadzire muto.

Kanda kabichi rawacheka usanganise.

Isa munyu wakaringana woramba uchipindura.

Usarisiya richiibva zvakanyanya.

Kana raibva chibura.

Kabheji rinodyiwa nesadza renhando dzese dzaunoda, nemupunga kana kuisa pachingwa.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey