Zviri mugapu: Mabumbe: Nyama pachezvayo

08 Oct, 2020 - 16:10 0 Views
Zviri mugapu: Mabumbe:  Nyama pachezvayo Mabumbe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MABUMBE kudya kunogadzirwa nemhodzi dzemanhanga kana mapudzi idzo dzinodzvurwa, dzosvinwa dzisati dzabikwa.

Mhodzi dzemanhanga dzinogona kukuiwa, dzoitwa zvimusuva zvinozobikwa zvakamandana kudaro. Kana zvaibva, zvinodyiwa seusavi zvichinzi mabumbe kana kuti undu.

Svondo rino Mai Blessing Madhinga vekuZaka, kuMasvingo, vanotsanangudza mamwe magadzirirwo nemabikirwo ekudya uku.

Zvinodiwa:

Mhodzi dzemanhanga kana dzemapudzi nerwaenga kana kuti chiyenga chekukangira, muriwo wemufushwa sewemunyemba, mvura nekomichi.

Mabikiro:

Tora mhodzi dzemanhanga kana kuti dzemapudzi dzakaoma wodzikanga kusvika dzatsvukira.

Chidzidzvura muduri kusvika dzatsetseka kuita seupfu apo dzinenge dzave kunyiminya mafuta.

Svina mhodzi dzawadzvura uchidonhedzera mafuta acho mukomichi uye kana dzakazara rusero dzinogona kuburitsa mafuta anokwana mubhodhoro re500ml kana kudarika.

Umba zvibhora kana zvimisuva zvidiki nezvaunenge wasvina mafuta uchiisa mundiro, zvibhora izvozvo ndiwo mabumbe.

Chibika muriwo wemufushwa wemunyemba kana munyevhe wokanga uchishandisa mafuta aya awasvina wozokanda zvibhora zviye mumuriwo iwoyo.

Panoibva muriwo uyu ndipowo panoibva mabumbe apo anenge oita senyama.

Kana zvadai, chibura ugadzirire kudya machikichori nemhuri. Chenjerera kuzviruma rurimi neminwe nekunakirwa nokuti mabumbe anonaka zvekutoita kunge nyama.

Mabumbe anogona kudyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo asi vamwe vanoda kuadya nemupunga.

Makasununguka kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey