Zviri Mugapu: Mamwe mabikirwo ebhinzi

01 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Zviri Mugapu: Mamwe mabikirwo ebhinzi Bhinzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BHINZI rine kudya kunovaka muviri semapuroteni uye riri nyore kubika.

Svondo rino Tatenda Saizi wekuMarondera anotsanangura mamwe mabikirwo ebhinzi.

Zvinodiwa:

Binzi dzakaomeswa, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta nemvura yakachena.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave nekukasika kuibva kuitira kuchengetedza magetsi, huni kana gasi.

Nyurura bhinzi uise muchikari chakachena chine mvura yakawanda.

Dzifashaidze kusvika dzaibva uchiwedzera mvura.

Kana dzaibva, tora pani uise mafuta akaringana.

Chekerera hanyanisi nematomatisi wokanga kudzimara zvaita muto.

Kanda munyu wakaringana wozoisa bhinzi. Pindura zvisangane udzisiye dziine muto wakakora.

Bhinzi dzinodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links