Zviri mugapu: Ravira zondo riri mubhinzi

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Zviri mugapu: Ravira zondo riri mubhinzi Mazondo arimubhinzi

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

MAZONDO mudya ndakasungwa chaiwo kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye muusavi uhu mune mapuroteni ayo anosimbisa nekuvaka muviri nekurwisa zvirwere. 

Svondo rino, Rumbidzai Zulu wekuChinhoyi anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo zvine musiyano. 

Zvinodiwa?

Mazondo, makerotsi, bhinzi, matomatisi, chikari, mvura nemunyu.

Mabikiro:

Bvura mazondo ubvise mvere dzose.

Chiageza woachekesa nemuchina kana zvichigona.

Isa muchikari akwate kweawa.

Chiisa munyu wakaringana netumafuta tushoma.

Kanda bhinzi dzakabikwa nemakerotsi akachekererwa.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana mazondo aibva anoonekwa nemuto wakakorera.

Zondo rinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana                                       rezviyo. 

Vamwe vanhurume vanofarira kudya mazondo, zvikuru kunzvimbo dzavanotandarira sezvo achinzi anosimbisa musana.

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey