Zviri mugapu: Zondo riri mubhinzi

26 Nov, 2020 - 13:11 0 Views
Zviri mugapu: Zondo riri mubhinzi MAZONDO

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

MAZONDO mudya ndakasungwa chaiwo kana achinge abikwa zvine hunyanzvi uye muusavi uhu tinowana mapuroteni ayo anovaka muviri nekurwisa zvirwere.

Svondo rino Rumbidzai Zulu wekuChinhoyi anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo.

Zvinodiwa

Mazondo, makerotsi, bhinzi, matomatisi, chikari, mvura nemunyu.

Mabikiro:

Bvura mazondo ubvise mvere dzose.

Chiageza woachekesa nemuchina kana zvichigona.

Isa muchikari akwate kweawa.

Chiisa munyu wakaringana netumafuta tushoma.

Kanda bhinzi dzakabikwa nemakerotsi akachekererwa.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana mazondo aibva anoonekwa nemuto wakakora.

Zondo rinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana rezviyo. Vamwe vanhurume vanofarira kudya mazondo, zvikuru kunzvimbo dzavanonwira-nwira doro sezvo achinzi anosimbisa musana.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

Share This:

Sponsored Links