Zviri mumhuri: Phil Zulu

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zviri mumhuri: Phil Zulu Phil Zulu

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion, Phil Zulu, uyo anove dangwe reshasha yemusambo weMarabhi — Kireni Zulu — akaparura dambarefu rake rechipiri rinonzi Hope (Tariro) nguva pfupi yadarika.

Phil ndiye dangwe raKireni uye akambopinda mune zvekuimba kare apo akaburitsa dambarefu rake rekutanga rinonzi “Zvenzeve”.

Akafamba nechikwata chake ndokuzombomira zvemhanzi asi anoti adzoka zvachose zvichitevera kuburitsa kwaakaita dambarefu rake rechipiri.

Phil anoti kuve mwanakomana weshasha yemhanzi ndiko kwakamutuma kutevera matsimba ababa vake nechinangwa chekuzobudirira kusvika padanho ravave.

“Ndakakomborerwa kuve dangwe raKireni, moziva zvakabva zvandiitirawo nyore nekuti baba vanondibatsira zvikuru munyaya dzemhanzi yangu uye vachindipa mazano ekuti handifanirwe kurasa tariro kana zvakaoma.

“Chinodiwa mumagitare umu kushinga chete uye kuramba uchishanda nesimba, ukadaro unokunda nekusvika kure, hapana chinombokutadzisa,” anodaro Phil.

Panguva iyo akambomira zvekuimba, Phil anoti aishanda ari sound engineer uye achiridza ngoma kuchikwata chababa vake.

Haasiriye ega mwana waKireni ari kuita zvemhanzi sezvo hanzvadzi yake — Esin uyo anove gotwe raKireni ari kuita Giredhi 1 — anoita zvemhanzi zvakare uye akatsikisawo dambarefu rake rekutanga.

Anoti zvemhanzi zviri mumhuri uye anofara chaizvo nekusimukira kwehanzvadzi yake.

“Zvemhanzi ndezvemumhuri nekuti ini dangwe ndini ndakatanga kutevera matsimba ababa uye hanzvadzi yangu inove gotwe iri kutoitawo zvemhanzi. Saka zvinhu zvinofadza kuti tine chinhu chimwe chatinofarira uye chinotisanganidza nababa vedu.

“Baba vanotitsigira zvikuru, dai vasipo zvimwe takasiya zvemhanzi izvi nekuti tinoziva kuti rwendo rwacho rwakaoma runoda hushingi kuti ubudirire,” anodaro Phil.

Share This:

Sponsored Links