ZVIRI MUROPA: JANI

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
ZVIRI MUROPA: JANI Pauline Jani

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yenetball Pauline Jani – uyo anove mutambi wechikwata chenyika chemaGems – anoti mutambo uyu ndiwo wakamurera zvekumuendesa kuchikoro uye akwanisa kuzvichengeta kuburikidza nawo.

Jani vazhinji vakatanga kumuziva apo maGems akaenda kumakwishu eVitality World Cup akaitirwa kuLiverpool, kuEngland nguva pfupi yadarika uye anoti amai vake vaitambawo mutambo uyu.

Anoti ave nemakore achitamba netball kuzvikwata zvakasiyana zvinosanganisira Gaths Mine, Shanganie Mine, Rail Stars uye neZRP Queens iyo yaave kutambira parizvino.

Anoti kukura kwake kwaisava nyore sezvo akashaikirwa nevabereki vake achiri mudiki izvo zvakambomuona achitadza kuenda kuchikoro kwegore rese sezvo pakange pasina aikwanisa kumubhadharira mari.

Anoti amai vake vaigaromukurudzira kuti atambe netball uye nekufamba kwenguva akazopihwa bhezari nePamushana High School iri kuMasvingo nekuda kwetarenda rake rinodakadza mumutambo uyu.

“Ndakatanga kuzvichengeta ndichiri mudiki chaizvo, ndichizvichengeta ini nekahanzvadzi kangu sezvo vabereki vedu vakange vashaika.

“Pavakashaika, vabereki vedu hapana aikwanisa kundiendesa kuchikoro asi ndakangoramba ndichitamba netball nekuti amai vangu vasati vashaika vakandiudza kuti ndinofanirwa kutamba mutambo uyu sezvo kureba kwandakaita kwaienderana nemutambo uyu uye ivo vakamboutambawo kare.

“Zvakazosvikawo munzeve dzePamushana High School iyo yakauya ndokundipa bhezari ndikatoenda kuchikoro kubva Fomu 1 kusvika ndapedza zvidzidzo zvangu. Saka dai pasina netball iyi ndingadai ndisina kudzidza uye ndisina kusvika pandave,” anodaro.

Anoti apedza chikoro, akatanga kutambira zvikwata zvakasiyana uye ipapo hupenyu hwakange hwave kushanduka hwave kumufambira zvakanaka sezvo akange ave kutambira mari ndokutanga kuzvichengeta iye nehanzvadzi yake.

“Chokwadi mutambo uyu wakandirerutsira mararamiro angu zvekuti ndave kugara zvakanaka uye hupenyu hwandiri kurarama nhasi kuda kwawo.

“Ndichibva kuchikoro, ndakatanga kutambira zvikwata zvakasiyana zvinosanganisira Gaths Mine, Shanganie, Rail Stars yekuHwange uye neZRP Queens. Kwese uku ndakange ndave kutambira mari yakanaka zvekuti hupenyu hwakange huchiendeka zvakanaka ndichiwana zvose zvandaishuvira uye chikuru ndichikwanisawo kuchengeta hanzvadzi yangu yandakasirwa nevabereki vangu, ini ndini ndakange ndatove amai vake,” anodaro.

MaGems paakaenda kuLiverpool, Jani anoti dzimwe nyika uye vamwe vanhu vemuno vaifungidzira kuti vachangonokundwa vokurumidza kudzoka.

Asi vasikana ava vakanodadisa vakakwanisa kupedza vari pechisere kumakwishu aya.

“Takafara zvikuru kuenda kwatakaita kuEngland kaive kekutanga uye isu takaenda tichida kunorakidza pasi rese kuti hatidhererwe. Dzimwe nyika dzaifunga kuti dzichangotirova tobva takurumidza kudzoka, asi vakationa takadya nduru.

“Zambia yakamboenda ikanozvamburwa ikadzoka asi isu takange takarangana kuti kwete ticharwa sezvo vaititarisira pasi asi vakazozvionera kuti maGems anotogonawo kunge ivo,” anodaro.

Zvichitevera kubva kwakaita maGems kuEngland, Jani akasvika achisenda shangu dzake uye anoti ave kuda kumbopawo vamwe mukana wekutambira chikwata ichi icho akatambira kwemakore anodarika 12.

Asi achiri kuenderera mberi achitambira chikwata chake cheZRP Queens muligi yenetball.

“Izvezvi ndamira kutambira maGems nekuti ndinoda kupa vamwe vasikana mukana vakareba seni. Saka iye zvino yave nguva yavo yekupfuurira mberi nebasa, ini ndichange ndichivatsgira,” anodaro.

Jani anoti shuviro yake ndeyekubatsira vana vanotambudzika sezvo iye akakura ari nherera.

“Munhu kana uchiziva kuti une tarenda, shandisa tarenda rako usarisiye richienda kumarara, rishandise nemazvo nekuti mangwana ndiro richakuyambutsa muhupenyu.

“Ini ndakashandisa rangu, nhasi tarisai muone takakwira ndege tikaenda kuEngland kunokwikwidza nenyika dzine mukurumbira mumutambo wenetball dzepasi rose.

“Dai ndakagarira chipo changu ndingadai ndisiri pandiri nhasi, zvimwe ndingadai pamwe ndiri ndururani chaiyo.

“Zvakadaro, ini hangu chishuvo changu ndinoda kubatsira vamwe vana vari kusimukira vanotambudzika muhupenyu nekuti ini pakukura kwangu ndakakura ndiri nherera uye ndinoziva kuti zvinorwadza sei. Saka ndinoda kubatsirawo vamwe vararame hupenyu hwakanaka hwakasununguka,” anodaro.

Jani haasati aroorwa asi anoti ane chido chemwoyo wake chaari kufambidzana nacho.

Share This:

Sponsored Links