Zviri pamusoro peCovid itsva

29 Nov, 2021 - 11:11 0 Views
Zviri pamusoro peCovid itsva

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

MHANDO itsva yehutachiona hwechirwere cheCovid-19 iyo inonzi yava kuSouth Africa neBotswana iri kunzi nanamazvikokota vezveutano pari zvino haisati yoratidza kuti inopararira zvakanyanya kunyangwe zvazvo ongororo dzichiri kuitwa.

Hutachiona hunozivikanwa nekuti B.1.1.529 – uho hwakabva pane imwe mhando yedenda iri inozivikanwa nekuti B.1.1 – hunonzi hunokwanisa kusanduka-sanduka kanokwana ka32 uye hwakanyuka zvakare kunyika yeHong Kong.

Munhu akawanikwa aine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa kuHong Kong anonzi akange abva kushanya kuSouth Africa.

Nemusi weChitatu svondo rino, sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rakaisa mhando yeB.1.1.529 muboka rehutachiona huri kuongororwa rinozivikanwa nekuti Variant Under Monitoring (VUM).

Hutachiona hwemhando iyi hunogona kuzove nejodzi huru yekupararira mune remangwana.

Mukuru wezveutano kuBulawayo – Dr Maphios Siamuchembu – avo vanove Provincial Medical Director (PMD), vanoti guta iri riri pedyo zvikuru neSouth Africa neBotswana uye vanhu vachiri kushanya kunyika mbiri idzi idzo dzakanyuka mhando itsva yehutachiona hweCovid-19.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vangwarire kuburikidza nekubaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri, kukoshesa nyaya dzehutsanana, kusaungana uye kupfeka mamasiki nenzira kwayo vachivhara muromo nemhuno.

“Mhando itsva yeCovid-19 yakaonekwa kuSouth Africa, Botswana neHong Kong, zvinogona kureva kuti pamwe yatotekeshera pasi rose, dzimwe nguva hatisati taongorora tikaibata muZimbabwe.

“Hatizive kuti izvi zvinorei sezvo mhando itsva iyi chiri kutotanga,” vanodaro.

Dr Siamuchembu vanoti zvinozivikanwa uye zvine umboo kuti kubaiwa nhomba kunodzivirira chirwere cheCovid-19, kuti chishaye simba rakanyanya uye nekudzivirira rufu.

“Ticharamba tichikurudzira vagari vemuBulawayo neZimbabwe yose kuti vabaiwe nhomba dzekudzvirira Covid-19 uye nekutevedzera matanho ose vachikoshesa nyaya dzekugeza maoko, kupfeka mamasiki nekusaita chitsoko-tsoko.

“Izvi ndizvo zvatinoziva kuti zvinoshanda, saka ngatiitei zvatinoziva kuti zvinosevenza,” vanodaro Dr Siamuchembu.

Share This:

Sponsored Links