Zvirimwa zvidiki ipundutso

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zvirimwa zvidiki ipundutso VaRukariro Katsande

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vekumatunhu asinganaye mvura zvakanaka anosanganisira kuMudzi, kuMashonaland East vokurudzirwa kurima mbesa diki dzinoshingirira muzuva senzira yekudzinga nzara.

Varimi vekumatunhu asinganaye mvura zvakanaka ayo anosanganisira Mudzi vokurudzirwa kurima mbesa diki dzinoshingirira muzuva dzakadai semapfunde.

Kurudziro iyi yakapihwa naMambo Nyamukoho vekuMudzi vachiyambira varimi vedunhu iri kuti vakatevedza nzira dzemarimirwo embesa diki vanokwanisa kudzinga nzara.

VaRukariro Katsande (50) – avo vakafanobata chigaro chaMambo Nyamukoho, VaSamson Katsande (98), vanoti dunhu ravo rinowanikwa muRegion 4 inozivikanwa nekusanaya kwemvura zvakanaka.

“Igaroziva kuti dunhu redu reMudzi rinosanganisira kwangu kwandinotonga kwaMambo Nyamukoho hakunaye mvura zvakanaka kureva kuti zvirimwa zvizhinji zvakaita sechibage nezvimwe zvinogara zvichitsva. Saizvozvi hakuna mvura yakanaka yati yanaya kuno zvisinei kuti kumwe kuri kunaya zvirimwa zvedu zvapera kutsva,” vanodaro VaRukariro Katsande.

Vanokurudzira vagari vemudunhu ravo kurima mbesa diki dzinosanganisira mhunga, mapfunde, zviyo nenzungu izvo zvinoshingirira muzuva.

“Ndine zunde ramambo ratinoita muno iro riri kukanganiswa zvikuru kufamba kwaro kwakanaka nekuda kwekusanaya kwemvura. Varimisi vedu veAgritex tinoshanda navo zvakasimba, vanofamba vachidzidzisa varimi vedu kuti varime mbesa diki idzi nekudaro isu sevatungamiri tiri kutaurawo kuti tose tirime zvirimwa zvidiki tichisanganisa nezvimwe zvakaita sechibage icho chinodiwa zvikuru kurimwa nevarimi vazhinji,” vanodaro.

Vanorumbidza bazi rinoona nezvekurima iro vanoti rinoshanda zvinodadisa nemasangano ekunze akaita seWorld Food Programme (WFP) nemamwe akasiyana kuti vagari vekuMudzi vapinde mukurima zvirimwa zvidiki.

“Semamwe matunhu ose, mombe dziri kufa kuno dzinova musimboti wekurima kwedu kureva kuti tinosara tava pachena tisina chekubata nekudaro kuti tidzinge nzara matiri hatirimei mbesa diki idzi,” vanodaro.

VaRukariro Katsande vanoti mudunhu ravo rose raMambo Nyamukoho mune masabhuku 194 ayo vanoaendesa kunodzidziswa marimirwo embesa diki uye kana vadzoka vanozodzidzisawo vagari vemumisha yavo.

“Hondo yekupedza nzara muno tinoita mubatira pamwechete chuma chemuzukuru apo tinoshanda nenhengo yedu yeParamende, Cde Magna Mudyiwa, nevamwe vakasiyana. Kuburikidza nekusanaya kwemvura zvakanaka kuno, Hurumende tiri kuitenda zvikuru nekupa vanhu kudya mwedzi woga-woga,” vanodaro.

Vanoti varimi vazhinji mudunhu ravo vanopfuyawo zvipfuyo zvakaita sembudzi nehuku izvo vanotengesa kuti vararame nekuendesa vana kuzvikoro.

VaRukariro Katsande vanoti dunhu ravo harina madhamu zvinoita kuti minda yemadiridziro iite mishoma.

Zvakadai, ongororo yakaitwa neKwayedza yakarakidza kuti vanhu vanotengesa chibage munzvimbo iyi chiri kuitwa $100 pabhagidhi uyewo mhunga nemapfunde zvichidhura kudarika apa.

“Samambo, tinomboedza kubatsira vanhu vane nzara asi tinokundikana nekuda kwekuwanda kwevane nzara. Kare taimborima donje zvino nekudzikira kwemari yarava kutengwa nayo vanhu vakarega.

“Saka tiri kuti varimi vedu ngavarime mhunga, mapfunde, nzungu, nyimo, mufarinya nezviyo.

“Kunyange zvavo vagara vachirima matomatisi nechibage kare, zvirimwa zvidiki zvinonziwo zvinopa kudya kune ruwomba kuvanhu voita hutano,” vanodaro.

Mamwe matunhu ari kunyanya kukurudzirwa kurima zvirimwa zvidiki anosanganisira Rushinga, Mt Darwin, Mbire, Guruve, Nkayi, Masvingo nenzvimbo zhinji kuMatabeleland kuburikidza nekusanaya mvura zvakanaka.

 

 

Share This:

Sponsored Links