Zvirimwa zvorohwa nechando

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
Zvirimwa zvorohwa nechando

Kwayedza

Wimbainashe Zhakata
VARIMI vekumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Nyanga, kuManicaland vokurudzirwa kuti vashandise madiridziro mukudiridza zvirimwa zvavo munguva dzehusiku nechinangwa chekudzivirira kuti zvisarohwe nechando zvichitevera yambiro yebazi reMeteorological Services Department of Zimbabwe (MSD) yekuti munyika munogona kuita chando chakanyanyisa.

VeMSD vanoti Nyanga district imwe yenzvimbo dzinogona kuita chando chakanyanyisa munyika muno.

VaShadreck Chingombe avo vanove Nyanga district agriculture extension officier vanoti varimi vezvirimwa zvakadai sematomatisi nembatatisi vanofanirwa kudiridza zvirimwa zvavo munguva yehusiku kuitira kuzvidzivirira kubva kuchando.

Vanoti kudzikira kwemwando kazhinji kunokanganisa matomatisi nembatatisi.

“Tinotarisira mamiriro ekunze akadai aya kuti anogona kuparadza kurimwa kwematomatisi nembatatisi mudunhu redu.

“Varimi vanokurudzirwa kuti varime zvirimwa zvakadai sepizi, makabhichi necauliflower nekuti zvinoshingirira muchando. Parizvino dunhu rino riri kutenga matomatisi kubva kune mamwe matunhu uyewo nekune dzimwe nzvimbo dzeNyanga dzinodziya dzakadai sekumadiridziro eNyamaropa,” vanodaro.

VaLucas Murambi – avo vanove chief meteorological officer kuManicaland – Nyanga yakawana mwando wakaderera zvikuru zvekusvika pa-0,1 degrees celsius nemusi wa14 Chivabvu.

 

Share This:

Sponsored Links