Zvirimwa zvotsva nezuva

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Zvirimwa zvotsva nezuva VaWonder Chabikwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rinoti mamiriro aita zvirimwa muminda kunzvimbo dzakawanda dzenyika haana kunaka zvichitevera kumbomira kwakaita mvura kunaya izvo zvinogona kukonzera kudzikira kwegoho zvikuru mwaka uno.

Mutungamiriri weZCFU VaWonder Chabikwa – avo vanovewo sachigaro werimwe sangano revarimi rinodaidzwa kuti Federation Farmers Union – vanoti mvura ikarega kunaya mazuva mashoma ari kutevera zvimwe zvirimwa zvinogona kutsva zvachose nezuva.

“Zvirimwa zvedu kumatunhu akasiyana enyika hazvisisina kumira zvakanaka, zvave kusvava mushure mekuita masvondo mvura isinganaye. Kune kumwe uko mvura yakagara isina kunaya zvakanaka kubva mwaka wedu wezhizha uchitangisa. Saka tiri kukurudzira kune vane mikana yemadiridziro kuti vachitokunya dzisimbe vadiridze zvirimwa zvavo kuti tizvichengetedze,” vanodaro.

Vanoti vanoziva kuti mafuta ekushandisa mumahinjini pakudhonza mvura nezvimwe zvinodiwa zvave kudhura asi hapana imwe nzira kunze kwekuti varimi vashingirire kuti zvirimwa zvisatsve nezuva.

“Mbeu yedu yechibage ndiyo yanyanya kurwadziwa nezuva sezvo kuine vamwe varimi vakakurumidza kudyara ndokuzotiwo vakanonoka kudyara. Ngatishandisei mikana yatinayo yekuwana mvura kuti tibatsire zvirimwa zvedu,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti dambudziko iri rawedzerwa nekuti zvimwe zvirimwa hazvina kumera zvakanaka nekuda kwekusanaya kwemvura zvakazoita kuti varimi vadyarurure.

“Zvimwe zvirimwa zvekutanga zvakafa nezuva zvimwe zvikashingirira, zvimwe zvakazodyarwa zvakare zvikamera asi zvasangana nezuva kureva kuti mwaka uno wave kutityisa kuti kusanaya kwemvura kunogona kukonzera kudzikira kwegoho redu muzvirimwa zvakasiyana,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vapote vachidyara mbeu dzinoshingirira muzuva dzakadai semhunga, mapfunde nezviyo.

Kusanaya kwemvura uku vanoti kuri kubata zvirimwa zvose zvinosanganisawo fodya, donje, bhinzi nemaringazuva.

“Dambudziko iri riri munyika yose asi kwakanyanya kunosanganisira matunhu eMatabeleland, Masvingo, Midlands, Manicaland, Mashonaland Central neMashonaland West. Tangotarisa mudenga kuti Nyadenga vatiburutsirewo mvura nenguva,” vanodaro.

Zvakadai, VaChabikwa vanoti mafuro achiri akanaka parizvino kunzvimbo zhinji dzenyika.

“Mafuro ezvipfuyo zvedu haana kuipa sezvo huswa hwakakura zvikuru nemvura zhinji yakambonaya nekudaro tinoti kuvarimi vedu vachengetedze zvipfuyo zvavo nekubaisa majekiseni nekupa mishonga yakasiyana vachishanda nevebazi reDepartment of Veterinary Services sezvo huswa hukanyanya zvipfuyo zvinoita zvirwere zvakawanda,” vanodaro.

Vanoti vamwe varimi vari kusangana nedambudziko rekufirwa nemombe nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey