Zvirimwa zvotsva nezuva

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Zvirimwa zvotsva nezuva VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vokurudzirwa kuti vashandise madiridziro emhando dzose muminda yavo kuitira kuraramisa zvirimwa zvavo nekuda kwezuva riri kupisa kwemasvondo mashoma adarika apo mvura isiri kunaya munzvimbo zhinji dzenyika ino.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zakariya vanova executive director wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU).

Zvirimwa zvakasiyana kunzvimbo dzakatsaukana dzenyika ino zvave kusvava kuburikidza nezuva.

“Mwaka wakatanga mvura ikanaya nyika yose varimi vakaisa mbesa muvhu dzikamera, kwemasvondo angangosvika maviri mvura haisi kunaya zvakonzera kuti zvirimwa zvinosanganisira chibage nenzungu zvisvave.

Zvino zvave kuda kuti sevarimi tishandise mvura shoma yatiinayo padyo neminda yedu kuti tiraramise zvirimwa zvedu,” vanodaro.

VaZakariya vanoti kuburikidza nemashoko ari kubva kune vezvemamiriro ekunze anoti mvura inogona kunaya mushure memazuva mashoma ari kutevera, varimi vane madiridziro vanogona kufanoashandisa nekudiridzira minda yavo.

“Muongororo yatakaita seZFU kunzvimbo dzakasiyana, yakataridza kuti zvirimwa zvakawanda zvasvava izvo zvave kuda mvura nekukasika.

Saka tinoti sevarimi tine migodhi yedu yakareba nemadhamu edu madiki kana nzizi dzine mvura padyo, ikurudziro yedu kuti tishandise mvura iyi kudiridza zvirimwa zvedu,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine varimi vane mahinjini avasingashandise ayo tiri kuti dhonzai mvura mudiridze zvirimwa zvenyu kusvikira mvura yanaya.

Kune vane magetsi, tinoti ashandisei kudhonza mvura apo anenge ariko.”

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti varimi vakohwe mvura apo inenge ichinaya.
“Ikurudziro yedu kuti varimi vachengetedze mvura yekunaya kugadzirira panguva yakadai iyi yekuoma kwekunze nemuzuva.

Mvura chaiyo inobva mumarata inoiswa mumatangi kana kugadzirirwa makandiwa umo inochengeteka,” vanodaro.

Panyaya yekuisa mishonga muzvirimwa, vanoyambira varimi kuti vadyidzane nevarimisi vematunhu avari sezvo mimwe mishonga inopisa zvirimwa, zvikuru munguva ino yekusanaya kwemvura zvakanaka.

“Sevarimi, hatirase moyo mubasa redu rekurima nekuti ndipo patinorarama tose nemhuri dzedu. Saka ngatishandisei zvatiinazvo kuti zvirimwa zvedu zvirarame tichimirira mvura yekunaya,” vanodaro VaZakariya.

Panyaya yekuisa mishonga muzvirimwa, vanoyambira varimi kuti vadyidzane nevarimisi vematunhu avari sezvo mimwe mishonga inopisa zvirimwa, zvikuru munguva ino yekusanaya kwemvura zvakanaka.

“Sevarimi, hatirase moyo mubasa redu rekurima nekuti ndipo patinorarama tose nemhuri dzedu. Saka ngatishandisei zvatiinazvo kuti zvirimwa zvedu zvirarame tichimirira mvura yekunaya,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links