Zvirwere zvinobata tsuro

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vanopfuya tsuro voyambairwa kuti vagare matanga avo akashambidzika senzira yekudzivirira kuti zvipfuyo zvavo zvisabatwe nezvirwere zvakasiyana izvo zvinogona kudzosera mabasa avo kumashure.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaGift Jambaya avo vanonyanya kuzivikanwa nekuti Mr Tsuro vanova nyanzvi munyaya dzekupfuiwa kwetsuro kumapuroti ekuWestgate muguta reHarare.

“Tsuro chipfuyo chisingade zvakawanda mukurarama kwacho, dzinongoda hutsanana huzere mumatanga madzinogara uyewo nekurapwa nguva dzose. Zvimwe zvezvirwere zvinobata tsuro zvinosanganisira kukura kwemazino kwakadarikidza yatinoti overgrown teeth uye kune chimwe chirwere chinonzi snuffles,” vanodaro VaJambaya.

Zvirwere izvi zvinonzi zvinongobata tsuro dzose pasina kusarudza dzimwe mhando dzingava dzemuno kana kuti dzekunze, sekutaura kwaVaJambaya.

“Icho chirwere chekukura zvakadarikidza kwemazino epamberi – zvikuru maviri epamusoro pemuromo – chinonyanya kuzivikanwa nekunziwo maloccluded. Zvinoitika zvoga uye kukura kwemazino aya kunogadziriswa nekudzipa kudya kuti apere asi kana aramba achikura kutoenda netsuro idzi kumachiremba ezvemhuka zvogadziriswa,” vanodaro.

Denda rinonzi snuffles vanoti rinokonzera maziso etsuro kuzara misodzi dzichibuda mabori uyewo dzichihetsura nekuburitsa madzihwa zvavanoti zvinoitawo kuti maziso etsuro idzi azvimbe. “Nekuda kwechirwere ichi, tsuro dzinozara mvura mumaziso dzichiburitsa dzihwa nekuhetsura. Tine rimwe denda rinodaidzwa kuti hairballs kunova kushaya mvura mumiviri yetsuro zvichikonzerwawo nekutadza kwadzo kuzeya zvakakwana kwekudya kwadzinenge dzadya,” vanodaro VaJambaya.

Dzimwe tsuro dzinonzi dzinobatwa nechirwere chekuita weti ine ropa chinodaidzwa kuti uterine tumors.

“Chirwere ichi chinokwanisa kudzivirirwa nekugara varimi vachipa tsuro dzavo mishonga yavanokurudzirwa nanachiremba vezvemhuka kuti vapote vachidzipa, kudzivirira ndiwo mushonga mukuru,” vanodaro.

Pane chimwe chirwere chinonyanya kubata tsuro chinonzi myxomatosis icho chakatangira kunyika yeUruguay ndokuzopambira kuAustralia makore ekuma1950s nepasi rose.

“Denda iri rinoonekwa mutsuro nekuzara kwemvura zvakare mumaziso adzo, miromo yadzo nemhuno zvinonyorova uyewo nekuzvimba kunhengo dzakavandika,” vanodaro VaJambaya.

Chirwere ichi chinonzi chinoitawo kuti tsuro dziburitse zvinhu zvichena kunhengo dzakavandika. Denda iri rinonzi rinotapukirawo kune zvimwe zvipfuyo sezvo richikwanisa kuparadzirwa nenhunzi nenhata pamwe chete nehumhutu.

Chirwere ichi chinonzi chinotora masvondo maviri kuti tsuro dzinenge dzabatwa nacho dzife.

“Pakushanda nanachiremba vezvemhuka, murimi anofanirwa kugara achibaya tsuro dzake majekiseni emishonga, zvikuru tsuro diki nehombe kubvira  pamasvondo mana kusvika mwedzi mitanhatu dzaberekwa,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti tsuro dzinobatwa zvakare nechirwere chinonzi calicivirus  rabbit haemorrhagic icho chinokonzera kuti dzibude ropa nemumhuno uyewo nemuweti netsvina yadzinoita pamwe nemukanwa nemunhuno.

Chirwere ichi chinonzi chinonyanya kubata tsuro hombe apo chinoonekwawo nekudedera kwadzo nekuda kwekubatwa nechando (fever).

Tsuro dzine chirwere ichi dzinonzi dzinogona kufenda dzichizofa mushure menguva iri pakati pemaawa 12 kusvika 36.

“Chimwe chinotaridza tsuro dzine chirwere ichi kuzvimba kwemaziso uyewo kuunduka kwemvere nekudzikira kwemiviri yadzo,” vanodaro.

VaJambaya vanotiwo tsuro dzinogona kufufutirwa kana kuzvimbirwa chinova chirwere chinouraya tsuro zvikuru.

“Icho chekufufutirwa chinokonzerwa nekupihwa kwetsuro kudya kwakaita sechibage kwakawandisa nemakireshi. Kune chimwe chirwere zvakare chinokonzera zvisasa zvinopinda mumhuno, munzeve, mutsoka nemuviri wese zvinoita kuti makushe etsuro awunduke,” vanodaro VaJambaya.  Vanoyambira varimi kuti vasadye nyama yetsuro dzinenge dzafa dzoga kana kunyangwe yedzavanenge vauraya mushure mekunge dzarwara.

Share This:

Sponsored Links