Zvirwere zvinonetsa munguva yemvura

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views
Zvirwere zvinonetsa munguva yemvura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, riri kuyambira veruzhinji pamusoro pezvirwere zvinogona kubata vanhu vemazera ose munguva yekunaya kwemvura.

Zvimwe zvezvirwere izvi zvinosanganisira manyoka, malaria nebilharzia. Zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera, dysentery netyphoid.

Munhu ane manyoka anoita tsvina ine mvura yakawanda uye kakawanda. Pamwe pacho anogona kuita tsvina ine ropa kana iri dysentery. Manyoka ose anodzivirirwa nekushambidzika kwenharaunda pangava pamusha kana pabasa.

Kushambidzika uku kunosanganisira kugara panzvimbo isina marara, kugeza mawoko mushure mekushanyira chimbuzi uye munhu usati wabata chikafu, kuisa mishonga inochenesa mvura senzira yekuuraya majemisi.

Mosquito: Kurumwa nehumhutu kunokonzera malaria nekudaro veruzhinji vanokurudzirwa kutora matanho anodzivirira kurumwa nahwo kuburikidza nekurara vakafuga mambure (mosquito net).

Zvakakosha kuti murwere wemanyoka achimbidze kuendeswa kuchipatara asati anyanya kurasikirwa nemvura mumuviri nekuti manyoka anouraya.

Bilharzia chirwere chinokonzerwa nemahwemusi ayo anopinda muropa. Murwere ane bilharzia anoita weti ine ropa pakupedzisira kwayo, achirwadziwa nemusana nepakati pemakumbo.

Kana chirwere chebilharzia chikaregedza kurapwa, chinogona kukuvadza itsvo munhu achigumisira ava kuzvimba muviri kana kurasikirwa neupenyu. Bilharzia inorapwa muzvipatara nemakiriniki apo murwere anopihwa mapiritsi.

Kugeza mawoko munhu achangobva kuchimbuzi kana kuti asati adya kwakakosha mukudzvirira zvirwere zvemanyoka.

Kuchizoti chirwere chemalaria chinoparadzirwa kubva kumunhu chichienda kune mumwe kuburikidza nehumhutu. Chirwere ichi chakanyanya kuipisisa kuvana vane makore mashanu okuberekwa zvichidzika, kumadzimai akazvitakura uye vakwegura.

Munhu wese anoshanyira nzvimbo dzine mukurumbira wechirwere ichi sekuChiredzi, kuSabi, Limpopo, kuMbire nedzimwe anofanirwa kutora mishonga inodzivirira kuti asabatwe nemalaria. Nyaya dzemalaria dzinonyanya kuwanikwa mumwedzi waKukadzi naChivabvu apo humhutu hunowana pekuberekera semumvura inenge yakajenga.

Bilharzia life cyle

Munhu ane malaria anopindwa nechando, kutemwa nemusoro, kurutsa, kudikitira uye achipera simba. Anoita zvakare weti inenge yakasvibirira uye iri shoma.

Zvakakosha kuti vanhu vazvidziviririre mukurumwa nehumhutu kuburikidza nekufuga mambure kumanheru pavanorara, kupfeka mbatya dzakareba dzinovhara muviri, kuzora mafuta anodzinga humhutu (mosquito repellent) uye kufirita makomba anenge akajenga mvura anova anoberekera humhutu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey