Zvitoro zvakaderera kuvanhu

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Zvitoro zvakaderera kuvanhu Cde Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Ray Bande
HURUMENDE inoti yakaisa $70 miriyoni parutivi iyo ichashandiswa mukuvamba zvitoro zveveruzhinji (People’s Shops) izvo zvinenge zviine mitengo yakaderera, rinova danho riri kutarisirwa kuzoderedza nyaya yekudhura kwezvinhu munyika.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvekukushwa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, pamusangano weZanu-PF Manicaland Coordinating Committee.

Cde Mutsvangwa vakashora zvikuru nyaya dzekungokwidzwa kwemitengo yezvinhu zvisina tsarukano sezvakaitwa nekambani inogaya shuga, yeTongaat Hulett.

Hurumende yatova nehurongwa hwekutsvaga mari yakawanda kuti zvitoro zveruzhinji zvivepo nekukasika munyika yose.

“Tinoziva zvikuru nyaya dzekudzikisirwa kuri kuitwa upfumi hwenyika nekuti kune vamwe vari munyaya dzezvematongerwo enyika vakatotaura pajekerere kuti vachakonzeresa.

“Tiri kunetseka zvikuru kuti zvii zviri kuitika munyika zvingaita kuti zvinhu zvinge zvichikwidzwa nechikamu che100 percent zvakadai sechikafu nezvimwe zvinodiwa muupenyu hwevanhu mukati mesvondo.

“Zviri pachena kuti chinangwa ndechekudzikisira Hurumende.

“Zvii zviri kutengwa nekambani yeTongaat Hullet kunze kwenyika mukugadzira shuga zvingaita kuti shuga iende pamutengo wakadaro?

“Imari yekunyika ipi yavari kushandisa kubhadhara vashandi ingaita kuti vareve mari dzakadaro dzepamusoro?

“Tichange tava kuona kuuya kwezvitoro zvevanhu munyika yose kusanganisira mumaguta nekumaruwa. Zvinhu zvinogadzirwa neSilo zvichange zvichitengeswa nemari yakaderera muzvitoro izvozvi.

“SeHurumende, takatoisa $70 miriyoni ichatsigira kuvambwa kwezvitoro izvi uye tichiri kutotsvaga imwe mari kuti tifambise chirongwa ichi nekukasika saka tichange tichikwikwidzana zvakapetwa nevari kuita zvehukoronyera ava,” vanodaro.

Cde Mutsvangwa vanoti zvitoro izvi zvichange zviri zveHurumende.

“Tinoziva kuti kune vanhu vanoda kunyatsozadzikisa kuti Hurumende yakundikana kuburikidza nekukwidza mitengo yezvinhu muzvitoro zvisina tsarukano.

“Zvisinei, zvitoro zvevanhu zvatichavhura zvichange zviri zveHurumende zvichishanda nemitengo yegutsaruzhinji pasina chinangwa chekuita purofiti. Zvichange zviine mupunga, hupfu, shuga, chikafu chezvipfuyo, mayunifomu, sipo nezvimwe. Hurumende ichatsvaga vekushanda navo kuti ione kuti chirongwa ichi chabudirira,” vanodaro.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, sachigaro weZanu-PF mudunhu reManicaland, Cde Mike Madiro, avo vanova zvakare mutevedzeri wegurukota rezvinoitika mukati menyika vanoti hurongwa hwekuva nezvitoro zveveruzhinji hwakakosha mukuderedza mitengo yezvinhu.

“Takaona kuti tive nezvitoro izvi zvakakosha pane kuti titare mitengo asi kana zvitoro izvi zvikauya tinovimba mitengo ichaderera yega,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey