Uncategorized

Zvitunha 5 mugomo: Zvimwe zviri kubuda

02 Dec, 2021 - 10:12 0 Views
Zvitunha 5 mugomo: Zvimwe zviri kubuda Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekuWard 32 kuMt Darwin, uko kwakawanikwa mitumbi yevanhu vashanu vakafira mugomo reMavhuradonha, vanoti vakavhundutswa zvikuru nechiitiko ichi sezvo vashanu ava vasiri kuzivikanwa kuti vakafa nei.

Mashoko aya ari kuuya panguva iyo mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kuferefetwa kwenyaya yemitumbi mishanu yakawanikwa mugomo iri kuri kuenderera mberi.

Mitumbi yakawanikwa iri mugomo iri ndeyaMbuya Junior Zuze (69), mwanasikana wavo Moleen Zuze (29) uye vana vake vanoti Ever Nyamusoka (7), Joshua Wunga (5) naPardon Mateyawunga (1).
Kanzura veWard 32 kuMt Darwin, Zivai Chari (50), vanoti mhuri yakawanikwa yakafa iyi yaigara mubhuku raManhondo, kwaMambo Chiswiti, kuMukumbura uye amai vacho vaiperekedza mwanasikana wavo kumba kwake kuSt Alberts, kuCentenary uko ainge akaroorwa.

“Ruzhinji takavhundutswa zvakanyanya nekufa kwaambuya ava nemubvana wavo nevana vake vatatu apo vaidzokera kumba kwemukuwasha kwaSabhuku Dzivamupamba kuCentenary. Amai vakafa ava vaida kuzodarikira kune mumwe mwana wavo aiva munyambiri neuyo akafa vainaye,” vanodaro Kanzura Chari.

“Isu sevagari vemuno takanzwa kuti vashanu ava vakabva kumba kwavo vachienda kuCentenary, mbuya ava vachiperekedza mwanasikana wavo kudzokera kumurume wake. Vaifanirwa kufamba makiromita anokwana 12 kwete makiromita 200 sezvinotaurwa. Vaishandisa mugwagwa wekudamburira watinoshandisa tose-tose, mazuva aya kwaipisa zvakanyanya,” vanodaro.

Vashanu ava vanonzi vaienda kumba kwaThemba Mateyawunga aiva murume waMoleen Zuze.

Vanonzi vakabva kumba vakasiya VaMilton Zuze (69), murume waMbuya Zuze kumba, pakazoonekwa kuti mazuva aifanirwa kunge mhuri iyi yakasvika kwavaienda ainge adarika.
Mukuwasha uyu anonzi akazoridzira vatezvara vake nhare achivabvunza kuti sei ambuya vake nemudzimai wake nevana vakanga vasati vasvika kumba.

“Nyaya iyi yakasvitswa kwandiri sakanzura wemuno nekuvamwe vakuru vemuDande sezvo tose tiri mudunhu raMambo Chiswiti. Takatanga kutsvaga vanhu ava uye tichitaura mumisangano yedu.

“Nyaya yatinoziva ndeyekuti Moleen Zuze airwara nepfari uyewo Mbuya Junior Zuze vaiva pachipari vari mudzimai mukuru. Pamusha pavo paiva nekunangana huroyi uye pane mukomana anorwara nepfungwa wemudzimai mudiki aigara achivarova achivati vaiziva zvavakamuita,” vanodaro Kanzura Chari.

Vanoti Mbuya Zuze vaigara vachitaura kuti pavanofira ndipo panofirawo vazukuru vavo sezvo mwanasikana wavo, Moleen, airwara nepfari.

“Hatizive chaizvo zvakaitika saka tinosiira mapurisa varidzi vebasa. Asi ambuya ava vaisagara zvakanaka pamusha pavo sezvo murume wavo akanga ava kugara kumudzimai mudiki.

“Mugomo makawanikwa mitumbi iyi munoyera uye vanhu vanokwanisa kuita chadzimira votetereka vachizodzoka zvavo kwete zvekuti vanofa,” vanodaro Kanzura Chari.
Vanoti mugomo iri mune tusipiti tune mvura isingapwe uye munowanikwawo hove dzisingachiviwe kana kubatwa nemhuka dzakaita senzou dzinobva kuMozambique.
Kanzura Chari vanoti chiitiko chakadai ndechekutanga munzvimbo iyi.

“Tine murume akambozviuraira mugomo iri ainzi Bonface Chikadzi uyo akanonwira muchetura mugomo reMavhuradonha ndokufiramo,” vanodaro. Kanzura Chari vanotiwo kune vamwe vanhu vanoenda vachiita chivanhu mugomo iri nekunamata.

Share This:

Sponsored Links