Uncategorized

Uyu akapakirwa musaga

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Uyu akapakirwa musaga Vanhu panhamo yaMercy Medi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA inosuwisa zvikuru, mhuri inogara kuFederation, kuDzivaresekwa Extension, muHarare, yakasara iine kukahadzika kukuru svondo rapera apo vakafuma vachiona mutumbi wemwanasikana wavo wemakore mashanu ekuberekwa wakaiswa musaga rainge rakakandwa kunorasirwa marara.

Zvinofungirwa kuti mwana uyu – uyo akange ashaikwa husiku hwezuva radarika – akapondwa.

Nyaya iyi yakaitika nemusi weMugovera wadarika apo Mercy Medi (5) akawanikwa akafa, mutumbi wake wakaiswa musaga rainge rakaiswa pamarara pedyo nedzimba dzevabereki vake.

Mercy Medi

Baba naamai vaMercy vakasiyana uye mwana uyu aigara naamai vake, zvisinei nekuti anonzi aipota achimboenda kwababa vake.

Mutumbi wemwana uyu wakawanikwa wakaiswa musaga re50 kgs uye musana wechitunha chake wainge wakazvimba sekunge akarohwa.

Baba vaMercy, VaDereck Medi (36) vepanhamba 1204/60 kuDzivarasekwa Extension, vanoti mwana wavo akashaikwa pamba nemusi weChishanu wadarika apo vakazofuma vachiona mutumbi wake wakakandwa kunzvimbo inorasirwa marara.

Dereck Medi

“Ndakarambana naamai vemwana uyu mugore ra2013, ivo ndokunogara zvavo kwavo apo vakatora mwana uye. Vanga vachigara naye panhamba 12405/80 makore muno muFederation, muDZ Extension.

“Nemusi weChishanu, mwana ndakaswera ndisina kumuona apo amai vacho vakazouya kaviri vachiti vaimutsvaga kwandiri vachifunga kuti ndini ndaiva naye. Takazomuwana mangwana acho Mugovera akafa,” vanodaro.

Vanoti zvisinei nekusaona kwavakaita mwana uyu zuva rose reChishanu, vakaudzwa nevamwe vana kuti Mercy aive aswera achitamba nevamwe vake mumusha uyu.

“Handizive zvakaitika kumwana sezvo aigara naamai vake. Ini ndakazongoona mwana wangu chave chitunha.

“Mapurisa akaendesa chitunha chemwana uyu kumochari yechipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals,” vanodaro VaMedi.

Shingirai Nxumalo (30), anove amai vaMercy, vanoti nemusi weChishanu wadarika vakamuka vana vavo vatatu varipo vose, kusanganisira nemuchakabvu.

Mai Shingirai Nxumalo

Vanoti vakabika sadza ndokuvasiya vachidya ivo vachienda kumaricho ekumenya chibage.

“Mwana wangu mukuru weGrade 5 akaenda kunotsvaga huni ndichiripo apo Mercy ndakamusiya aine mumwe weGrade 2. Ndakazodzoka kumazuva rodoka apo ndakasvikowana Mercy asipo. Pandakabvunza kuti vainge vabika sadza here, vakati vakabika asi Mercy akanga asina kudya sezvo aisaonekwa,” vanodaro.

Vanoti vakanotsvaga mwana uyu kumba kwababa vake nekumwe kuhama neshamwari asi vakamushaya kusvikira vanorara.

“Zuva rechikangwana racho ndakamuka na5 mangwanani ndikazoona Fortunate Magwenzi achiuya kumba kwangu achinditi Mercy aivepi. Akanditi ndimutevere uko ndakasvikowana mwana wangu ari musaga akafa. Aiva parutivi pemugwagwa panzvimbo inorasirwa marara,” vanodaro Mai Nxumalo.

Mutumbi waMercy waive musaga — Mufananidzo naInnocent Makawa

Vanoti havana zvakawanda zvavangaziva kuti mwana wavo akafa nei.

Ambuya vaMercy amai vababa vake, Mai Irene Medi (58), vanoti vakazongonzwa nezvekufa kwemwana uyu.

“Mwana wangu nemuroora vakarambana Mercy ndokusara achigara nemuroora. Kuzongonzwa kuti afa, handizive akaita utsinye hwakadai kumwana,” vanodaro.

Mai Bybit Ndaradzi (52) vanove ambuya zvakare vemushakabvu vanoti nyaya iyi inotyisa zvikuru uye zvinoratidza kuti aya mabasa ehumhondi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>