Zvivezwa zvake zvinotaura

15 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Zvivezwa zvake zvinotaura Mai Chango Chitoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuChitungwiza anoti akarambwa nemurume nenzira inorwadza izvo zvakamupa shungu dzekudzidzira kuveza matombo achigadzira zvivezwa zvinoratidza kushungurudzika kwevanhukadzi.

Mai Chango Chitoko (41), avo vanogara nevana vavo kuChitungwiza, vanoti basa ravo rekuveza rakabva mukushungurudzwa neaiva murume wavo.

Mudzimai uyu, uyo anoita basa iri paChitungwiza Arts Centre, anoti akatanga kuveza matombo mugore ra2016 mushure mekudzidziswa naVaShepherd Phiri vanovawo muvezi panzvimbo iyi.

“Ndairarama upenyu hunorwadza ndiine murume uyo takazorambana. Ndakatanga kusvika panzvimbo inovezwa matombo iyi ndichitengesa zvakasiyana kuti ndiriritire mhuri yangu. Ndipo pandakafunga kudzidzira basa iro ndiri kuita nechido ndiine shungu dzekushungurudzwa kwandaiitwa nemurume wandaiva naye.

“Ndaveza zvivezwa zvinodarika makumi mashanu kubva pandatanga,” vanodaro Mai Chitoko.

Vanoti semunhu akarambwa nemurume uye nekushungurudzwa kwavaiitwa, vanotaridza shungu dzavo nezvivezwa zveshiri nezvemadzimai anenge akabereka vana achiratidza kusuwa.

“Shiri dzandinoveza dzinenge dzakasuwa dzakatarisa pasi dzichimirira madzimai nematambudziko avanosangana nawo. Zvivezwa zvangu zvinotaridzawo madzimai vakatakura mikwende nevana kumusana.

Chivezwa cheshiri chinotaridza kushungurudzwa kwevanhukadzi

“Asi zvakadaro, kunakura datya kuriyambutsa nekuti ndava neupenyu hwakanaka nebasa iri zvasiyana nemagariro andaiita kare,” vanodaro Mai Chitoko.

Mhando dzeshiri dzavanoveza dzinosanganisira kuwe nehoto.

“Zvivezwa zvangu zvinotengwa kunyika dzakaita seGermany, America neCanada. Asi dambudziko ratava naro nderevashanyi vashomeka zvinoita kuti kuuye vanotumwa kuzotenga vanoita ivo mari yakawanda kudarika isu.

“Rimwe dambudziko kuwanikwa kwematombo atinoshandisa anobva kure sekuMvurwi nekumwe,” vanodaro Mai Chitoko.

Zvimwe zvivezwa zvaMai Chango Chitoko. – Mifananidzo naKingstone Mapupu.

Mudzimai uyu anokurudzira vamwe vanhukadzi kuti vadzidzire mabasa ose-ose pasina basa rinonzi ndere chirume.

“Basa rekuveza nekutengesa matombo hariitwe mazuva ose saka ndine maflea markets andinotengesa zvakasiyana kwaChikwana, kuChitungwiza. Mhuri yangu iri kurarama zvakanaka.

“Ndinokurudzira vanhurume kuti vasashandise madzimai zvisirizvo nekuvashungurudza uyewo voziva kuti vanhu vakangofanana naivo,” vanodaro Mai Chitoko.

Share This:

Sponsored Links