Uncategorized

Zviwanikwa zveZimbabwe –

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Zviwanikwa zveZimbabwe –

Kwayedza

Juliet Sharon Tom—

MHUMHI

Ndebele: Iganyana

English: Wild dog

MHUKA kana kuti imbwa inonzi mhumhi inozivikanwa nehunyanzvi hwayo hwekuvhima nekuuraya zvisina tsitsi. Kubudirira pakuvhima kwayo kunoonekwa pakunge dziri chikwata, pane kunge iri imwe chete.

Mhumhi – iyo pachiRungu inogonazve kunzi “painted dog” – ine muviri wakangoenzana nembwa yepamusha yerudzi rweGerman Shepherd, iine mvere dzakasangana nhema, chena, pfumburukwa netsvukurukwa. Imwe neimwe ine ruvara rwakasiyana nedzimwe izvo zvinoita kuti dzizivikanwe.

Dzine muviri murefu nemakumbo akareba nemuswe une pfunha chena kwawakaperara (tipped tail).

Mhumhi ine nzeve huru dzakaita denderedzwa, musoro mutema – kunze kwekubva pamusoro pemaziso zvichienda kunzeve uko kune ruvara rwakangofanana nemuviri wayo, asi iine mutsetse mutema unobva pakaperera mhuno kunosvika pakati penzeve.

Imbwa yemusango iyi inoreba 105 kusvika 150cm ichirema zviri pakati pe20 kusvika 30kgs.

Mhumhi ishasha pakuvhima uye dzinogara dziri zvikwata zvemhuka gumi kusvika 40 kana dai zvazvo dzichigona kuita shoma kana kuwanda kudarika apa.

Dzinonyanyovhima mangwanani kana kuti zuva rovira. Mhumhi inorarama nenyama (carnivore) yemhuka dzakaita semhara, mbizi kana ngongoni uye dzinoita chirwirango kana dzovhima. Dzinohwandira mhuka yadzinoda kubata dzichifamba zvishoma nezvishoma asi dzozodzingirira kana mhuka yacho yotiza.

Mhumhi haisiye mhuka yayada, inoidzingirira kudzimara yaibata – kana dai zvichireva kuti kwemakiromita akawanda. Inogona kumhanya 40km/hr kwechinhambwe che5km isina kuzorora.

Mhuka diki inogona kubva yangopunzwa pakarepo asi kana iri huru, inotanga kudyiwa dzichiidzingirira apo inobvanzurwa bvanzurwa ichitiza. Ndokusaka zvichinzi mhumhi inodya ichifamba.

Kana dai zvazvo ichiita kunge ine hutsinye pakuvhima, mhumhi inobata zvainoda kudya ipapo bedzi.

Pachikwata chimwe nechimwe, hadzi inenge iri huru nemukono mukuru ndizvo zvinoita vana apo dzimwe dzose dzinogarira kuvhima, kuchengetedza handa (vana vembwa) nepadzinogara. Dzinouya nechikafu dzichirutsira handa.

Asi ongororo yakaburitsa kuti panogona kuita imwezve hadzi pachikwata iyo inogona kuitawo basa rekubereka zvichienderana nekuwanda kwechikafu kana kuti nezvido “zvavahosi” – hadzi huru.

Mawuta (mimba) yemhumhi inotora mazuva 69 kusvika 73 apo panozobarwa handa dzingabvira pambiri kusvika 10.

Mhumhi hadzizivikanwe nekuvhima kana kurwisa vanhu asi vana vadzo vanogona kuuraiwa nedzimwe mhuka dzakaita seshumba nemapere.

MuZimbabwe, mhumhi imhuka dziri panjodzi yekuparara zvachose naizvozvo dzinochengetedzwa. Sezvo dzichigona kufamba mitunhu yakareba, zvinoita kuti dzigume dzabatwa nemiteyo yewaya inoiswa nevanhu vanovhima zvisiri pamurawo. Kushandiswa kwemiteyo iyi imhosva muZimbabwe naizvozvo veruzhinji vanokurudzirwa kusiyana nemaitiro aya zvachose.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino: The Behavior Guide to African Mammals – Richard Despard Estes

Field Guide to Mammals of Southern Africa – Chris & Tilde Stuart

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 

Share This:

Sponsored Links